Uncategorized

Jah akaponderwa rasta . . . Chitunha chakawanikwa chakaguswa vhudzi

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Jah akaponderwa rasta . . . Chitunha chakawanikwa chakaguswa vhudzi

Kwayedza

MURUME wekuHighfield, muHarare, uyo ange achishandira kunyika yeSouth Africa, anonzi akawanikwa akafa akasungirirwa uye vhudzi remhotsi raaiva naro iro rainge rakareba kusvika kumusana rakagerwa.
Hazvisati zvazivikanwa kuti akaita izvi ndiani asi pane fungidziro yekuti akaponderwa vhudzi iri.
Hama dzemushakabvu uyu, Aleck Pambeni (37), dzine fungidziro huru yekuti akapondwa sezvo akawanikwa akaita zvekupfugama akasungirirwa muchimbudzi chepamba pavaigara kuCape Town, musoro wake wakagerwa.

Aleck aigara nemudzimai wake, Barbra Varaidzo Mukwedeya (32), uye vanga vaine mwana mumwe chete.
Mushakabvu akawanikwa akafa musi waGumiguru 6.

Muhurukuro neKwayedza, Barbra anoti nyaya iyi iri kumurwadza zvikuru. Anoti musi wazowanikwa murume wake akafa, vainge vambobuda pamba vakatevedzana vachienda kumabasa kwavo asi paakachaisa kubasa kwake zuva rovira, akasvikotambirwa nechitunha chaAleck.

Barbra anoti chakamushamisa ndechekuti mhotsi dzaAleck dzaainge achengeta kwemakore anodarika manomwe dzakange dzakagerwa uye haazive kuti akaita izvi ndiani kana kuti dzakaiswa kupi.

“Takatobuda takadungamidzana mumwe nemumwe achienda kubasa kwake semazuva ose uye musi uyu ndainge ndakanganwa nharembozha yangu kumba. Pandakakotoka kubasa ndakasvikotambirwa nemutumbi wemurume wangu akaita zvekupfugama asi akasungirirwa muchimbudzi.

“Handifungi kuti Aleck akazviuraya sekutaura kwemapurisa ekuSouth Africa, handizivi zvakare idi rezvakaitika. Rasta raainge ava nemakore anodarika manomwe achichengeta rose rainge raveurwa uye hapana anoziva kwarakaenda,” akadaro Barbra.

Ian Mukwedeya, uyo anove tsano vaAleck, anoti akarwadziwa zvakanyanya nerufu rwemukuwasha wake uyo waakatsanangura semunhu aigara achifara.

Anoti Aleck aifarira kunwa zvinodhaka zvakaita semushonga wechikosoro weBronc Cleer, uyo unozivikanwa nekuti “Bronco” pamwe nekusvuta zvinodhaka.

“Mukuwasha wedu munhu wataitoziva kuti aifarira kudhakwa, ainwa Bronco pamwe nekuputa mbanje. Saka nekudaro anogona kunge akazvigadzirira vavengi vakawanda uye vanogona kunge vari ivo vakazoronga kumupfuudza,” akadaro Ian.

Anoti shoko rakabva kuSouth Africa raiti pakaonekwa ropa musingi (sink) yemuchimbudzi, chakawanikwa chakarembera mutumbi waAleck asi usina pawakakuvara.

Mashoko ake akatsinhirwa nemunin’ina wake, Lucky Mukwedeya, uyo akati mukuwasha wavo aigara akadhakwa.
Mukoma waAleck, Panganayi Pambeni, anoti firo yemunin’ina wake yakamugura kunorira. Anoti ane fungidziro yekuti Aleck ainge aine zvaimunetsa sezvo anonzi akamboedza kuudza mumwe wevaigarisana naye, uyo akangozivikanwa saChris, kuti aida kuparidzirwa shoko remuBhaibheri achiti aiva nezvaimutambudza mazuva mashoma asati afa.

Zvisinei, Panganayi anoti chiri kunyanya kumudya moyo inyaya yekugerwa kwaakaitwa mhotsi apo akazowanikwa akafa.

Peter Pambeni, uyo aigara naAleck nemudzimai wake kwakare kuSouth Africa, anoti Aleck aiva munhu aishoropodza kuzviuraya, nekudaro haana idi rekuti akazvipfuudza.

Tezvara vemushakabvu, VaJohn Mukwedeya, vanotiwo rufu rwemukuwasha wavo rwakavarwadza zvikuru.
“Tinoda kuchengetwa sevabereki, asi ini handichina mwana anoenda kunoshanda kuSouth Africa. Tinosvika kupi vana vedu vachifa sehuku? Bodo, handidi kana nekuzvinzwa, ndarwadziwa mwanangu, kusvika pekupedzisira,” vakadaro VaMukwedeya vachizunguza musoro.

Zvakadaro, Aleck akavigwa kuEpworth nemusi weChishanu svondo rapera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>