Jah Love naSeh Calaz voyambirwa . . .

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Jah Love naSeh Calaz voyambirwa . . . SOUL Jah Love (kuruboshwe) aina Seh Calaz

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA ari kuyambira vaimbi vechidiki, avo vanoimba nziyo dzekutukirirana, dzinonyadzisira, dzinony’omba vamwe nekukurudzira mhirizhonga kuti vasiyane netsika iyi. Izvi zvinotevera bongozozo rakamuka kunhandare yeCity Sports Centre, muHarare nemusi wa8 Mbudzi apo pairidza vaimbi vezvikwata zvemusambo unodaidzwa kuti “Zim Dancehall” vanoti Soul Jah Love naSeh Calaz ndokuzoguma pamuka zvimbokoma.

Pazhowe-zhowe iri pakakuvara vanhu vakawanda vamwe vavo vakandeswa kuzvipatara.
Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superintendent Paul Nyathi, vanoti zvikwata zvemimhanzi hazvifanirwe kuzivikanwa nembiri yekurwisana kana kuimba zvinyadzi.

“Vaimbi vanofanirwa kuimba nziyo dzisingakonzerese mhirizhonga kana dzisina mashoko anotuka vamwe, isu hatirege kana kupeta mawoko vaimbi ava vachiita zvavanoda nekuti tiri nyika ine mutemo,” vakadaro.

Vanoti vamwe vaimbi vezvikwata zveDancehall varasa gwaro sezvo vachiimba zvisina hunhu.
“Muno hamuna mukana wevanhu vanofunga kuti vanotyora mutemo pasina zvavanoitwa, tinosunga voenda kwavanonosangana nemutemo kumatare saka isu semapurisa tiri kufamba nenyaya iri kuitika iyi, awanikwa ari kuseri kwemutemo hamheno zvake,” vakadaro.

Vakayambira zvakare zvikwata zvevechidiki ava kuti zvisiyane nekuputa nekunwa zvinodhaka.
“Semapurisa zvikange zvasvika chaipo pekuti taona zvakakodzera, vaimbi ava vanogona kutadza kuridza nekuda kwezvikonzero zvatinoona nekuti tiri kutaura navo. Zvakare tinoda kuvazivisa vaimbi vechidiki ava kuti muno muZimbabwe hatitevedzere zvinoitwa kune dzimwe nyika dzemhiri zvinofumura chivanhu chedu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>