Uncategorized

Jesu akamboita ‘Back to Sender’ here?

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa
MabasaHandifarire kutuka nekuti semunhu akambotukwa, ndinozviziva kuti kunodzikisira munhu ari kutukwa zvakanyanya. Asi nhasi handina tsitsi newe kana uri benzi rinokwira chero kombi yakumirira ichiti “Handei”. Uchienda kupi?

Ndiko here kwawanga uchienda? Chii chinoita kuti tibvunze kuti kombi kana kuti bhazi riri kuenda kupi? Tinobvunza nekuti tinenge tichida kubata chokwadi kuti kwatiri kuda kuenda ndiko here kuri kuenda kombi. Haungagadzikane kana ukazoona kombi yanga yati iri kuenda kuChitungwiza yave kubuda muHarare yakananga kuMazowe.

Isu sevanhu, hatitodi kana kupfurikidzwa chaiko patinofanira kunge tichiburukira. Asi muZimbabwe maita mapenzi ari kukwira chero kombi yangomira ikavati pindai. Kana mapenzi iwaya akwira kombi iyoyo, vanotsvaga pekugara, vobva vakotsira. Ndizvo zvakaita maporofita anoita “Back to Sender”.

Ikombi dzinokuendesa kwausingazive, uye kana wave kuda kuburuka, unenge watoitiswa kare. Kana maporofita enyu amuri kumhanyira achiita back to sender dzinopengesa vanhu nekutsakatisa nhengo dzevanhu – zvichiri zvaJesu here? Ko iye Jesu akamboita “Back to Sender” here?

Kana pfungwa dzako dzakafa, newewo wakafa. Munhu unogona kunge uri muKristu nekuti akagashira Jesu semuponesi wako, asi hazvireve kuti haachabvumirwa kufunga. Tinodyiwa nekupusiswa nemaporofita vachishandisa pfungwa dzavo kudya pfungwa dzedu dzakapusa. Chiporofita chemazuva ano hachinei nekururama kana kuita zvinoda Mwari. Chiporofita chemazuva ano chinopisa imba kuitira kuti gonzo rapindamo ribude.

Ndinozviziva kuti kubirwa kana kuitirwa chimwe chinhu chakaipa kunorwadza nekudzosera kumashure, asi muzive kuti pamunoitirwa ma “Back to Sender”, munenge mazvivhura sebhegi kuti mweya yenyika ino ipinde mamuri igokuitisai.

Zvakanzi naMartin Luther – hazviite kuti urambidze shiri kubhururuka nepamusoro pako, asi unogona kudzirambidza kuvakira dendere muvhudzi rako. Ichokwadi, hatingarambidze vanhu vari kuzvishambadza kuti zvibaba zvekuporofita zvekuti hapana dambudziko rinovakunda. Hatingarambidze vanhu kuti vaende kunoshandirwa kana “kushandurwa” nemaporofita, nekuti vanhu vane kodzero dzekusarudza zvavanoda – kufa kana hupenyu, rima kana chiedza, zvenyama kana zvemweya.

Kana une pfungwa, tarisa kuti pfungwa dzaMwari ndedzipi, uye ndedzipi dzemuparadzi. Kana tikafarira kutamba nanahwindi, kutaura kwedu kunopedzisira kwafananawo nekwahwindi. Kana tikagara pamasofa epfungwa dzisiri dzehumwari, tinonyatsonzwa ari hutefetefe hwakapfava semakushe ekanhiyo kabuda muzai. Kana ukange usingazive kwauri kuenda, chero nzira yaunotora inonokusvitsa ikoko.

Nyika dzemaporofita inyika dzinotongwa nekutyisidzirwa, manyepo nekubatwa njere. Inga munoyambirwa wani neShoko raMwari kuti, “Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.”

Zvifananidzo zvenguva ino zvasiyana nezvifananidzo zvakare zvakanga zvisingataure. Zvifananidzo zvenguva ino zvinotoshambadza kuti muende kwazviri uye muzvitevere. Kutevera vanhu vatisingazive paTwitter nepaFacebook, kutevera madzibaba vangofunga kuwachisa nekutyisa vanhu nekuita hapurakatapura.

Asika vanhu wee, takasiyana nemombe dzinoda kudzorwa. Tisu tine basa rekuramba zvinhu zvinoita sezvakanaka, asi zvichiuraya. Evha paakateerera mashoko enyoka, akatarisa muchero waakanga achinzi adye akaona wakanaka uye uchifadza maziso.

Muchenjere kupedzisira mave netumwari twemaporofita iwaya, mukapedzisira mafanana nezvinhu zvamunorumbidza. Tungamirirwa naMwari vanoti, “Ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro pako, ndangariro dzezvakanaka kuti ndikupe mugumo une tariro.”

Share This:

Sponsored Links