Jesu haasi mutsono dzemaporofita

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Jesu haasi mutsono dzemaporofita

Kwayedza

NDINOGARA munyika ino, asi ndine imwe nyika yandinonzvenga ndichinopinda nguva zhinji. Nyika iyoyo inyika yaMwari, uye kana ndapindamo handisisiri munhu anogeza nesipo achizora mafuta anonhuhwirira kuti ndigashirwe. Kana ndapinda munyika yaMwari, rudo rwunofashama nekupfachukira rwunouya kuzondiputira zvekuti handipedze nguva yangu ndichitsvaga muporofita anouraya vanhu netsono.

Handipedze nguva yangu ndichitsvaga anondida paTishamwaridzane. Rudo rwenyika nerweTishamwaridzane rwune zviga zvakawandisa. Unonzwa zvichinzi, “Ndinoda anoshanda, ndinoda asina kumboita vana, ndinoda asina chirwere, ndinoda anoda zvekurima, anogeza, asingaise call me back, anoda zvekumasowe . . .”

Rudo rwemunyika yaMwari harwuna mared nemayellow card. Kana mari haina basa nekuti imomo Mwari vanongondida ndakadaro. Ndinoida nyika yaMwari nekuti haishandise mapiritsi nemajekiseni, kana mafuta emaporofita.

Ndinoida nyika iyoyo nekuti ndinotogona kupedzisira ndave kutogara ikoko  zvachose. Nyika yaMwari haitidye sesadza sezvinoita nyika ino yatakagara. Nyika yaMwari haina makuva nekuti haizive rufu. Haitingwarire nekutiwachisa, asi inotipa runyararo nekuti haina makombi nanahwindi vasina tsika.

Haina zvekugariswa paKadoma kana zvekubhadhariswa mari, asi wozoudzwa kuti hatina chenji. Ndinoda nyika yaMwari nekuti hainditarise ichiti ndine madegree edzidzo. Haindishaise nzvimbo nekuti handina hama inogona kundirongera madhiri. Kana ndanzvenga nyika ino ndichipinda munyika yaMwari, ndinofara nekuti handimiswe pamaroadblock kana matollgate. Munyika yaMwari ndinopihwa zvekudya zvinobva kuna Mwari zvakafanana nemana yakadyiwa murenje nevana vaIsiraeri. Munyika yaMwari hamuna matukano, asi ndinonzwa mweya wangu uchidiridzirwa nekutonhorerwa. Ndinonwa mvura inomutsa mweya wangu. Mufaro wemunyika yaMwari hausi mune zvekudya kana zvekunwa, nekuti izvozvo zvinosekenyedza nyama yemuviri, asi zvisingabatsire kana kupodza mweya. Patakagamuchira Jesu tichitenda maari, hatina chatakaita isu kuti tidikike. Isu takangogamuchira hupenyu hwake nezvaakatiitira, kuti izvozvo zvaakatiitira zvive zvedu muhupenyu hwedu. Zvatakaitirwa naJesu zvinosanganisira kuzadzisa murairo waMwari wairwadza kunge zvinodiwa nevari kutsvaga rudo paTishamwaridzane. Jesu asati azotifira, munyika yaMwari maive makazara mitemo yaitiudza kuti unofanirwa kuita zvinhu zvizhinji. Asi Jesu paakafa, akauraya mitemo yese iyoyo. Jesu akaita zvinoshamisa sekuona munhu paTishamwaridzane anoti: Ndiri kutsvaga munhu anoda kupihwa rudo.

Handina basa kuti ane makore mangani, mutsvuku here kana mutema, murefu here kana mupfupi, ane HIV here kana kuti haana, ane vana vake here kana kuti kwete, anoshanda here kana kuti kwete. Munyika yaMwari, ruponeso haisi nyaya yekutevedza mitemo nemirairo. Haisi nyaya yekutambudza nyama tichirara musango. Hapana chatingaite chinotiita kuti tidikike nekuponeswa nekuti takaponeswa nezvirwadzo nekutambudzika kwaJesu.

Ruponeso harwubve pakushandirwa netsono, kana pakushanda kwedu tichibinduka husiku hwese saPeter, asi toshaya hove kana imwe chete yatabata.

Asi Jesu paanongosvika achitaura kuti kandai mambure enyu nechekoko, Peter otadza kuburitsa hove mumvura nekuda kwekuwanda kwadzo.

Jesu watiri kutsvaga mumaporofita akawanikwa kare. Takamupihwa kare naMwari zvekuti tikamuda, tikamupinza muhupenyu hwedu, iye anotipinza munyika yake isingaende magetsi nemvura. Nyika isingauraiwe vanhu netsono nemaporofita!

Jesu haasi mutsono.

Share This:

Sponsored Links