Juju: Yadah yotaura

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Juju: Yadah yotaura

Kwayedza

Abel Ndooka —
CHIKWATA chenhabvu cheYadah Stars FC icho chakapinda muPremier Soccer League mwaka uno chinoti chinoda kurakidza kuti juju haishande munyaya dzenhabvu sezvinofungwa nevamwe asi kuti simba raMwari.

Yadah Stars inotungamirirwa naProphet Walter Magaya veProphetic Healing and Deliverance Ministries uye yakapinda muPremier League mushure mekunge yakahwina kuZifa Eastern Region Division One League.

Achitaura neKwayedza svondo radarika – chamangwiza weYadah Stars – Admire Mango anoti chikwata chavo chakapinda muPremier League kuzohwina chete uye nekurakidza nyika yese kuti juju haishande munhabvu.

Mango anoti kune zvimwe zvikwata zvinoshandisa juju zvichifunga kuti ndiyo inohwinisa munhabvu.

“Mutungamiri wedu – Prophet Magaya – vanogara vachitaura kuti musavhunduke zvikwata zvinoita zvemushonga nekuti isu tine zodzo yakasimba inobva kuna Mwari saka tichakunda mumitambo yedu.

“Zviriko zvikwata zvinobata juju zvichifunga kuti zvinenge zvichigona, manje gore rino vairasa, Yadah Stars yauya nezodzo uye nesimba raMwari. Tiri kuhwina mukombe weligi mumwaka wedu wekutanga,” anodaro Mango.

Anoenderera mberi achiti panguva iyo Yadah yaimbove yakabatana neGunners ichiri kunzi Yadah Gunners paive nevamwe vatambi vaitotaura vega kuti havakwanise kutamba nhabvu vasina kumbobata-bata juju.

“Tichiri kuGunners paitove nevamwe vatambi vaitobuda pachena kuti havakwanise kutamba nhabvu vasina kumbobata juju. Isu takazopesana navo nekuti hatidi kuzvinzwa. Vamwe vacho taiuya navo kuna Prophet Magaya vonamatirwa wotozovaona vachitamba nhabvu inodakadza vapihwa zodzo,” anodaro Mango.

Gore radarika, apo Yadah Stars yaikwikwidza muEastern Region Division One, aimbove murairidzi wechikwata ichi – Kuda Masaraure – akati mafuta eanointing oil ndiwo akavabatsira kuvhiringidza matambiro ezvimwe zvikwata zvavaitamba nazvo zvakaita kuti vahwine mukombe pamwe nekupinda muPSL.

“Ndinorangarira ndichitaura nguva pfupi yadarika ndichiti isu tinoshandisa anointing oil uye ndiyo ichatibatsira kuhwina vanhu vakatiseka.

“Kana anointing oil ichirapa kuti vanhu vafambe uye kuti vaone chii chingaitadzise kutihwinisa mitambo yedu? Ndaizviziva kuti tichahwina mukombe uyu nekuti zvainge zvakaporofitwa nababa vedu Prophet Magaya pakutanga kuti tichakunda negoal-difference uye ndizvo zvabva zvaitika,” akadaro Masaraure.

Zvakadaro, apo zvikwata zvizhinji zviri mushishi kuita gadzirio yekutanga kwemwaka mutsva wePSL, Yadah Stars inoti iri kunanga kuSouth Africa uko inotarisira kunotamba mitambo yehushamwari nezvikwata zveko zvitatu zvinoti Mamelodi Sundowns iyo inotambirwa naKhama Billiat, Kaizer Chiefs yaWillard Katsande uye neBidvest Wits.

Mango anoti kutamba nezvikwata izvi kunorakidza kuti vari kuda chaizvo kugadzirira kuenda padanho repamusoro munyaya dzekutamba nhabvu muno.

“Tiri kutarisira kuenda kuSouth Africa masvondo anotevera kunoita gadziriro dzedu dzemwaka mutsva wedu wekutanga tiri muPremier League.

“Tine vari kutirongera mitambo yehushamwari mitatu nezvikwata zvinoti Mamelodi Sundowns, Kaizer Chiefs neBidvest Wits. Mitambo iyi ichatibatsira chaizvo mugadziriro dzemwaka wa2017 watatarisana nawo muPSL,” anodaro Mango

 

Share This:

Sponsored Links