Kabhichi ‘rinofamba’ veduwe

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Kabhichi ‘rinofamba’ veduwe

Kwayedza

Zviri mugapu 

KUNE vamwe vanhu vanotarisira muriwo wemashizha wemakabhichi vachiti haudi kudyiwa mazuva ose. Asika, sezvakangofanana nemimwe miriwo, haidi kudyiwawo mazuva ose. Rikabikwa zvakanaka, kabhichi “rinofamba” zvekuti unotopedza mukonde wezadza nekunakirwa.

Kunze kwekungonaka, kabhichi ndiwo mumwe wemiriwo iri pamusoro pakuva nekudya kunovaka muviri wemunhu.

Svondo rino Mai Mhosva vemumusha weGlen Norah, muguta reHarare, vanotsanangudza mabikirwo ekabhichi, iro vamwe vanoriziva nezita rekuti “musoro wemombe” nekuda kwekukura kwarinenge rakaita.

Zvinodiwa:

Cheka kabhichi, madomasi nehanyanisi kuita zvidimbu zvakafanira.

Yeuka kuzvigeza nemvura yakachena wokanda kabhichi mupoto nemvura shomanana.

Kanda munyu wakafanira nemafuta wosiya zvichikwata.

Pota uchisandura kuti riibve mativi ose.

Wozodii?

Kanda hanyanisi nematomatisi zvawacheka zviya.

Unogonawo kuisa chipunu chidiki chegodzamuto yeRoyco kuitira kuti muto ukorere.

Siya zviibve kwemaminitsi mashanu.

Kabhichi rinodyiwa nesadza jena kana rezviyo uye unogona kurisanganisa nenyama yemabhonzo, maguru kana matumbu.

Vamwewo vanoda kuridya nechingwa.

Share This:

Sponsored Links