Kabichi idzva rePrime Seed Co

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Kabichi idzva rePrime Seed Co Murimi anokwanisa kukohwa pakuru makabichi nembeu yePrime Seed Co.

Kwayedza

Elizabeth Benjamin
KAMBANI yePrime Seed Co inozivikanwa nevazhinji nokuda kwekutengesa mbeu dzemiriwo dzakasiyana-siyana dzemhando yepamusoro. Chinangwa chikuru chePrime Seed Co ndechekukurudzira varimi vemiriwo kuti vashandise mbeu yemahybrids.

Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality) zvokuti mutengi achida kutenga pamusika, anotomhanyira iwo mahybrids.

Goho rinobva pambeu yemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomupa mukana wekutengesa kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pose pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo dzakasiyana-siyana, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderera mitengo kudarika mahybrids.

Aiwa varimi, akupanga zano ndewako. Zvakaderera mutengo zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Prime Seed Co yagara ichitengesa mbeu dzemakabichi dzemahybrid dzakasiyana-siyana dzinosanganisira Fabiola, Corton, Deligh neMarcanta. Mbesa idzi dzava nemukurumbira kuvarimi vazhinji nokuda kwokuita zvakanaka kwadzo mumunda uye kukurumidza kuibva kwadzinoita.

Mwaka uno Prime Seed Co inounzira varimi rimwe kabichi idzva rinonzi Triperio F1.

Triperio kabichi (cabbage):
Kabichi reTriperio rinokura zvinoyevedza nokuti rinoita mashizha anokura achivharidzira kabichi kuti richengetedzeke nguva refu kana rava pamusika. Mashizha acho akasimba zvokuti haakasiri kusvava kana kutyoka saka rinosvika kumusika richiratidzika zvakanaka chaizvo.

Kuti riibve zvakanaka, Triperio rinotora mazuva makumi manomwe nemashanu kusvika pamazuva makumi masere (75-80 days to harvest) kubva parinodyarwa mumunda kusvika pakurikohwa.

Triperio rinoita misoro yakakura inodarika huremu hwe5kg. Misoro yacho inoibvirana, izvi zvinoita kuti murimi akohwe kaviri kana katatu chete pamunda.

Nguva yatakatarisana nayo yemvura, kabichi reTriperio rinoita zvakanaka nokuda kwokuti rinotiwira kuchirwere cheBlack rot icho chinonetsa munguva yemvura. Munguva iyoyi yekupisa kuchinaya tumbuyu tweDiamond Back Moth tunoshungurudza varimi vazhinji. Tumbuyu utwu tunoruma-ruma mashizha achisara akaita maburi-maburi akawanda.

Kabichi rakarumwa-rumwa harinakidzi kutengesa uye vatengi havarifariri zvachose. Asi kabichi idzva rePrime Seed Co rinonzi Triperio rakasimba mashizha aro zvokuti harijairirwi netumbuyu utwu. Nokudaro kana murimi akarima kabichi reTriperio, anenge azvirerutsira matambudziko aanogona kusangana nawo pakurima makabichi.

Kuvarimi vese vanoda kurima makabichi nguva ino, tengai Triperio F1 kuti mugutsikane.

VePrime Seed Co vanokurudzira varimi kuti kana vachida kuwana rubatsiro ruzere maererano nedambudziko reTuta mumadomasi, ngavabvunze kumadhumeni ePrime Seed Co akatekeshera nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

l Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co uye munomubata panhare dzinoti 0731432590

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey