Uncategorized

kacheche kakarumwa nekamwana ndokufa

18 Dec, 2014 - 07:12 0 Views
kacheche kakarumwa  nekamwana ndokufa

Kwayedza

KAMWANA kacheche kemumusha weChiyedza, mudhorobha reKaroi, kekubuda muKwayedza kachinzi kakarumwa-rumwa nekamwe kamwana kemuvakidzani apo kainge karere pamubhedha zvichinzi kasikana kekukaruma kaishevedzera kuti “mama” kachireva nyama, kakazofa.

Shannel Gara, uyo anga asvitsa mwedzi minomwe yekuberekwa, akafa nemusi weChitatu svondo rakapera apo akangopisa muviri.

Shannel akabuda muKwayedza nguva yakadarika achinzi ainge arumwa-rumwa muviri wose zvekutoita maronda nekamwe kamwana kemuvakidzani (zita tinaro), ako kanonzi kaishevedzera kuti “mama” (nyama).

Izvi zvinonzi zvakaitika kaviri mumazuva akasiyana apo kamwana kekuruma kanonzi kaihwandira kachinoruma mwana uyu pamubhedha paaive akaradzikwa.

Pamwe pacho, mwana wekuruma uyu anonzi akatosvika pakutakanurwa naamai vemwana waairuma.

Kusvika paazofa, Shannel aigara nevabereki vake panhamba 4747 mumusha weChiyedza uye kasikana kekumuruma kachigarawo nevabereki panhamba 4746. Paakarumwa kaviri mumazuva akasiyana, Shannel anonzi akatopotsa adamburwa muromo, mhuno, kun’en’enwa matama, mawoko, makumbo nekumeso.

Kasikana kairuma mumwe aka kane makore maviri okuberekwa uye kanonzi kaisvikokwira pamubhedha pasina akasimudzira, kotanga kuita mashura aya. Zvinonetsa kunzwisisa kuti kamwana kezera iri kangaruma munhu akakuvara sezvo kanenge kasati kava nemazino angakuvadza.

Zvose izvi zvinonzi zvaiitika masikati machena, kekutanga kuma10 nekechipiri kuma11 mangwanani mumazuva akasiyana. Baba vemwana wekufa, VaHeinze Gara (57), vanoti kubvira pakarumwa mwana wavo ange ogara achirotomoka nekuvhumuka.

“Shannel, kubva padambudziko rekurumwa iri, akazongofa asina kurwara. Saka sepane nyaya yekurumwa iyi, takangoti ndizvo zvauraya mwana,” vakadaro.

Vanoti havana pfunde-pfunde nevabereki vemwana wekuruma mwana wavo uyu sezvo vachiti haisi mhosva yekasikana aka kana yevabereki vacho.

“Vabereki vemwana wekuruma uyu vakatouya vakabata mawoko, hatina chakaipa icho takataura navo.” Shannel anonzi akangopisa muviri ndokuendeswa kuchipatara cheKaroi uko akasvika achifa. Amai vaShannel, Mai Charity Kamwemba (46), vanoti vakangotambira rufu rwemwana wavo zvisinei nekuti pane nhoroondo yekuti akamborumwa nenzira dzinoshamisa.

“Mutumbi wemwana takaviga ivo vabereki vemwana wekuruma uyu vakauya pano. Haisi mhosva yavo sezvo pakabuda nyaya yekuti mwana uyu anofungirwa kuti aibatwa neshavi,” vakadaro.

Shannel akaradzikwa musi waafa kumakuva ekuChikangwe, kwekare kuKaroi.

Nguva yakarumwa Shannel, vabereki vemwana wekuruma uyu vakati chaiva chishamiso kuti mwana wavo aite zvakadai.

“Hamheno, dzimwe nguva mwana wedu anobatwa neshavi. Kumachechi kwatakafamba naye nyaya iyi yaiitika takataurirwa kuti aishandiswa,” vakadaro baba vacho (zita tinaro).

Amai vacho vakati: “Uyu mwana wedu wekutanga, chokwadi zvinotambudza izvi.”

Vaviri ava vanonamata chechi yeRepublic Apostolic Faith Church uye panguva iyi vakavimbisa kuti vacharamba vachifambira mwana wavo kudzimara aita zvakanaka.

Sekuru vaShannel, VaTrust Mangokwani (44), vanoti: “Kurumwa kwakaitwa mwana uyu kwaisava kwega asi kuti ndekwemweya yetsvina. Ko kana ari mashavi mashavi-ka, hatitsvagei kubatsira iye wekuruma akasara ari mupenyu uyu.”

Sahwira wemhuri yekwaGara, VaLeonard Gombe (34), vanoti hazvina mubvunzo kuti mwana uyu akafa mushure mekurumwa uko akamboitwa.

 

Share This:

Sponsored Links