Uncategorized

Kakatanga kari kabundu

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Kakatanga kari kabundu Catherine Muringazuva achiratidza pane zinyama riri kumushungurudza. - Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

MUKADZI wekuMuzarabani atambura zvikuru nezinyama riri pachidya chake iro raanoti rakatanga kari kabundu kadiki-diki kusvikira kakura zvakanyanya.

Chirwere ichi chinodaidzwa kuti neurofabromatosis.

Catherine Muringazuva (36) wemubhuku raMudoka anoti ari kushaiswa rugare nedenda iri.

“Gumbo rangu rakatanga richingorwadza rakazoita ruvara rwakasviba pachidya ndichikura. Nekufamba kwenguva, ndakabuda kabundu ako kaikura nekukurawo kwandaiita. Kabundu kakazoita zinyama ndave nemakore 20,” anodaro Muringazuva.

Anoti akamboenda kuchipatara kunovhenekwa vanachiremba vakamuudza kuti chirwere chinonzi neurofabromatosis.

“Ndakaenda kuKaranda (Mission) Hospital ndikanzi ndizodzoka asi handina kuzokwanisa kudzokera nekuda kwekushaya mari.

“Zinyama iri rinoramba richikura. Iye zvino handichakwanisa kana kufamba zvakanaka. Ndinorwadziwa uye ndatoremara, ndinofamba ndakabhenda.

“Ndakaenda mudzin’anga nemaporofita ndichiti zvimwe ndingarapwe asi hapana chakabatsira, vazvingi vacho vaingoti zvichapera ndichipihwa zvekushandisa asi zvaitowedzera kukura nekurwadza.”

Muringazuva anoti pari zvino hapana chaachakwanisa kuita nekuda kwedambudziko iri.

“Mwana wangu akaremarawo makumbo pamwe neni ndatoremara. Murume wangu akafa saka upenyu hwandiomera. Handishande uye handina chaiko kwandinowana chikafu,” anodaro.

“Ndiri kubatsirwa nesangano reMathew Chitemamuswe Life Skills Rehabilitation Organisation avo vari kundiyamura nepavanogona napo kubva kumari yekufambisa nechikafu. Zvakare vakandibatsira kuti ndiende kuParirenyatwa (Group of Hospitals) kunovhiiwa chinyama ichi mwedzi uno,” anodaro Muringazuva.

Muhurukuro nevatungamiri veMathew Chitemamuswe Life Skills Rehabilitation Organisation, VaKiverson Savah naReginah Zimbiti, vanoti vakavamba sangano iri munzvimbo yeMuzaranani nechinangwa chekubatsira vakaremara mitezo.

“Tiri kushanda zvakare nebazi reSocial Welfare mukubatsira vakaoma mitezo. Tinobatsira vemazera ose nechikafu, mbatya nekuchengetedza utano,” vanodaro VaSavah.

Vanoti vane tarisiro yekutenderera mumatunhu akasiyana vachibatsira vakaremara mitezo.

“Takavaka musha wekuvachengeta, kunyanya avo vasingakwanise kana kuzvibatsira, kuMuzarabani,” vanodaro VaSavah.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>