Uncategorized

Kamba ine chuma nejira reretso

09 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Kamba ine chuma nejira reretso

Kwayedza

KAMBAVAGARI vekuZengeza 4, kuChitungwiza vakasara vasina remuromo zvichitevera kuonekwa kwekamba yainge yakamonerwa chuma nemachira eretso ayo anowanzoshandiswa pane zvemashavi nemidzimu.
Kamba iyi yakaonekwa iri pedyo neimwe imba apo yaiva mumugwagwa uye hapana akakwanisa kuziva kuti yakange yabvepi.

Fibion Muzuva (27), mumwe wevakaona mashura aya, anoti haazive kuti kamba iyi yakabva nekupi kunyangwe zvazvo aine fungidziro yekuti zvine chekuita nemishonga yekushereketa.

Mumwezve akaona kamba iyi, Ruvimbo Bakasa, anoti chiitiko ichi chakamushamisa zvikuru.

“Handisati ndakamboona zvakadaro muhupenyu hwangu, kamba yakamoneredzwa nejira dzvuku nedema asi handizive kuti yakabva nekupi,” akadaro Bakasa. Mumwe mudzimai uyo akaramba kuzivikanwa nezita rake asi ndokungoti anonzi Mai Mutsa akati ane fungidziro yekuti kamba iyi yakabva pamba pemumwe mudzimai anopinda chechi yeJohanne Masowe yeNguwo Tsvuku achiti ndivo vanowanzoshandisa machira matsvuku nematema pamwe nemhuka pavanoita minamato yavo.

“Ndinofunga kuti kamba iyi yakabva pamba ipapa, pamwe yakangobuda mumba pasina aiona nekuti pane muroja anopinda chechi yeNguwo Tsvuku. Ndivo vanhu vanoita minamato vachishandisa mhuka nemachira matsvuku nematema,” vakadaro Mai Mutsva.

Mai Mubayi vakatsinhirawo kuti chiitiko ichi chakavashamisa.Kamba iyi yakazongosiiwa nevanhu yakadaro ichizvifambira.

Share This:

Sponsored Links