Kana aputa mbanje . . .l Anozvambura sekuru l Akatovabvisa mazino l Opindira amai varere

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
PANA sekuru vakaratidza mutongi wedare reHarare Civil Court, Marehwanazvo Gofa, mavende ayo avaiti vakagurwa mazino nemuzukuru wavo uyo wavanoti anogara achivazvambaradza kana achinge aputa mbanje.

Washington Jangwa akamhan’arira Mike Zvavangwe kudare iri achitsvaga dziviriro kubva mukurohwa pamwe nekutukwa kwaanoitwa.

“Changamire, muzukuru wangu anotoita kunge shumba kana achinge aputa mbanje. Anorova vanhu pamwe nekutukirira zvinyadzi pamba pababa vedu. Uyu mwana wemukuwasha asi hunhu hwake hauna kumbomira mushe.

“Akamborova amai vake. Ini pandakati ndinonunura hanzvadzi yangu, akabva andirova ndikadonha mazino matatu epamberi apa. Baba vangu vakatoomeswa mutezo nemwana iyeye mushure mekunge avashungurudza zvisingabviri.

“Ndinokumbirisa kuti abve zvake pamba pedu anogara nababa vake nekuti hatingagari nemunhu anotyisa zvakadaro,” akadaro Jangwa.

Zvavangwe akapokana nasekuru vake achiti: “Sekuru vanonyepa, handizivi kuti ndakavarova kupi. Mazino avari kutaura vakauya vasina saka handizivi kuti akange avabvisa ndiani. Nditori munhu ari bhoo ini, handina kana musarinya.

“Sekuru vari kuda kuti ndibve pamba asi handishande, ndiri kutoda kuenda kuchikoro chevadzidzisi kuti ndizokwanisawo kufundisa saka pari zvino ndiri kutotsvaga hangu kabasa.”

Amai vaZvavangwe – Thandiwe Jangwa – avo vaive chapupu mudare, vakaudza mutongi kuti mwana wavo akarova hanzvadzi yavo mushure mekunge vachema apo vakange vaona oda kubatidza moto ivo vakarara.

“Handizivi kuti mwana ndiye akabvisa hanzvadzi yangu mazino here nekuti ini handina kumbokorobha ropa kana kumaona kunyange ndakanga ndiripo pazvakaitika. Mwana akauya hongu akadhakwa akatipindira mumba mandakange ndakarara pamwe naamai vangu mushure mekuda kubatidza moto ndakadeedzera kuti ndiwane rubatsiro ndichitya kuti aizopisa imba. Hanzvadzi yangu yakauya ichida kundibatsira, ndipo vakatanga kurovana,” akadaro.

Mutongi Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Jangwa akati Zvavangwe anofanirwa kubva pamba apa kupera kwemwedzi waKukadzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>