‘Kana ndadhakwa . . .’

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Kana ndadhakwa . . .’

Kwayedza

‘ndinoitira tsvina muchikafu, mupoto nemumabhurugwa’

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive mudare vakashamiswa zvikuru apo mumwe murume akati anoitira tsvina yake muchikafu, mumagumbeze pamwe nemumatirauzi kana achinge adhakwa nedoro.

Coaster Stemene akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge aendeswa nemudzimai wake Rutendo Sazunza.

Sazunza anoti Stemene anoitira tsvina muchikafu nemumagumbeze senzira yekumupfidzisa kuti abve pamba.

“Changamire, baba ava vandishungurudza. Vanondirova uye kundituka nemashoko anonyadzisira pamwe chete nevana,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Vane tsika yekuitira tsvina mumagumbeze, mumabhurugwa uye imwe vanotoitira muchikafu chatinenge tabika vachiti vanoda kundi’fixer’. Apedza kudaro, anoti ini ndiwache tsvina yake, naizvozvo ngaabve hake pamba pangu.”

Achibvunzwa nedare kuti anoda kuti Stemene aendepi, Sazunza anoti ane shamwarikadzi yaari kudanana nayo saka anokwanisa kuenda ikoko.

“Kana iri nyaya yekwekuenda, haangashaye nekuti ane shamwarikadzi yake yaanopengesana nayo saka anoenda hake ikoko nekuti ini nezvake handichada uye wanano iyi haichatombogadzirike zvachose. Zviri zvevana kana achida kuvaona ndoenda navo kune hanzvadzi yake anovaonera ikoko,” anodaro Sazunza.

Stemene anopikisana nemudzimai wake achiti haisi mhosva yake kuti aitire tsvina mumagumbeze nemuchikafu asi kuti anenge akadhakwa. “Changamire, ini haisi mhosva yangu kuti ndinoitira tsvina mumagumbeze, mumabhurugwa nemuchikafu, imhosva yedoro. Ndinenge ndakadhakwa asi kana vachida kuti ndibve pamba apa ndinobva hangu, hapana chakaipa,” anodaro Stemene.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Sazunza gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links