Kana nemvura inodhakawo futi!

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Kana nemvura inodhakawo futi!

Kwayedza

NDINOFUNGA kuti Noah paakazobuda muareka akanga aneta nekugaramo. Imbozvifunga iwe nhasi uno kurwadza kunoita kugara mumba kana mvura ichinaya. Munogara makatarisa kunze nepahwindo muchingoti, dai kwagasa tambofambawo panze.

Kana mvura ikaramba ichingonaya isingaganhuke, zvinhu zvizhinji zvinosuwa. Mvura yakanaka kana ichiuya, asi yomboganhuka. Zvino mvura yenguva yaNoah yakanaya zvekuti tinonzwa kuti yakaita mazuva zana nemakumi mashanu ichingotsvotsvomedza chete. Tiri kutaura zvemwedzi mishanu mvura ichingonaya, isingamire.

Apa pari kunaya mvura kudaro, hapana kwekuenda, kwekuti Noah nemhuri yake vafambe-fambe. Nguva yavo ndeyekungogara chete, vachiterera mvura.

Chokwadi ndinofunga kuti Noah nemhuri yake vakasvika pakudhakwa nayo mvura. Mvura yega-yega, uye pasina kana zuva rinombobuda. Kungogara kunze kwakakwidibira chete, apa mvura ichingopurana. Zvinonzi neBhaibheri, mumwedzi wechinomwe, areka ndipo payakazogara pasi mumakomo eArarati. Asi mvura haina kubva yangopera, yakaenda ichitapudzika zvishoma nezvishoma.

Mumwedzi wegumi, zvinonzi ndipo pakatanga kuonekwa misoro yemakomo. Mushure memazuva makumi mana ekuona misoro yemakomo, Noah anonzi ndipo paakazovhura hwindo reAreka akatuma gunguwo. Gunguwo harina kudzoka, saka Noah akazotuma njiva, asi njiva yakashaya pakaoma pekumhara ichibva yadzokera kuna Noah. Noah akazotumira njiva zvakare mushure mesvondo, ikadzoka yakaruma shizha nyoro remuorivhi.

Kumirira kwaNoah ari muareka kwakanga kusiri nyore. Kumirira kuti mvura ipere kunaya. Kumirira kuti mvura itange kupwa. Kumirira kuti pasi paome. Kumirira kuvhurira mhuka dzese nemhuri yake misiwo yeareka kuti vabude. Panzvimbo dzese dzakagara vanhu muBhaibheri, ndinofunga kuti areka yairwadza zvisingaite.

Funga kunhuhwa kunoita mumba kana mvura akaramba ichingonaya. Mumba monopedzisira mave nehunyoro hunorwarisa. Ihwohwo hunyoro ndihwo hwakanga huina Noah nemhuri yake. Funga kuti kuwanda kwaive kwakaita mhuka dzaive muareka naNoah. Mhuka dzakawanda kudaro, apa pasina kana mhepo yakachena. Muareka yaNoah munofanirwa kunge muri mainhuhwa zvisingaite. Maibitiridza munhu nekuti kufema kwaive kwemunhuhwi wendove nemhuka.

Asi areka yakanga iri nzvimbo yekungopfuura nayo. Areka yaive chinhu chekungoyambutsa nacho vanhu nemhuka. Yakanga isiri nzvimbo iri permanent, kwete. Kunaya kwemvura, kukwidibira kwekunze, kushaya mhepo yakachena yekufema pamwe chete nekugara kwaNoah nemhuri yake nemhuka zvakamanikidzana kwakanga kusiri kwekusingaperi.

Newe une mararamiro aunoti dai Mwari vandibvisa muhupenyu huno. Dai Mwari vandibvisa pari kurwadza pandiri. Asi Mwari ndivo vakanga vaisa Noah nemhuka dzese muareka nekuti imomo makamanikana imomo, ndimo maive nekuyambutswa nekuponeswa. Noah aifanirwa kumirira nguva yaMwari. Kumirira nguva yaMwari kunorwadza nekuti hauzive painokwana.

Arimo muareka, Noah akanga achitarisira kutanga patsva. Akanga achitarisira hupenyu hutsva. Hupenyu hutsva ihwohwo hwaibva kuna Mwari, uye nenguva yahwo yaiunzwa naMwari.

Ana Noah takawanda munyika mufunge. Takamirira kuti mvura igase, tibude muareka uye tigofema mhepo itsva, yakachena. Takamirira kuti tigofamba tichienda kwatinoda, tisingatye kuti hatina nzvimbo nekuti tiri muareka.

Takamirira kubuda kudai, tichaedza kuziva kuti nguva yakwana here nekutumira gunguwo, asi haridzoke.

Asi kana nguva yakwana, njiva ichadzoka yakaruma shizha nyoro – uye tichaziva kuti Mwari vakatendeka.

Tichaziva kuti zvechokwadi kukwidibirwa nekubitiridzwa kwedu tiri muareka kunopera. Ndinofara neshizha nyoro nekuti rinotaura hupenyu. Rinotaura zvinhu zvitsva!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>