Kana wivhi yovava (ii)

31 Jul, 2014 - 07:07 0 Views
Kana wivhi yovava (ii)

Kwayedza

SVONDO rakapera ndakati kana wivhi yabviswa kunosara vhudzi chairo. Wivhi painenge yave kubviswa, inenge ichiimba kuti hatina musha panyika nechikonzero chekuti yagara haisi yepo. Wivhi yagara inogara pane chagara chiripo kare. Asika, chinhu chinogara pamusoro pechimwe hachingave nekufara kuti chakanyatsogara, nekuti kugara kwechakagara pamusoro pechimwe chinhu kwakasimbiswa nechachakagarira.

Hari yakagara mumusoro wemunhu akaidengezera, hainganzi yakagara nekuti kugara kwayo kunogona kupera chero nguva, kana munhu ane musoro wayakagara akagumburwa, obva adonha.

Kana tichinge tagara panyika, tine zvimwe zvatinokoka kuti zvigarewo patiri zvakafanana nefashoni newivhi, mari, dzimba, mota, mabasa, nekuonererwa pamwe chete nemanyawi. Kana zvinhu zvedu zvabatana, kana tave kuita kunge tumwari panyika pano, nyangwe mashoko edu anenge miseve, mashoko anorwadza kana anofadza vakatiterera, anotiita kuti tifunge kuti takafanana naMwari.

Kana tanyatsogara panyika ino, nyika yakagara muruoko rwaMwari, kana tave kudya zvakatonhorera zvinosekenyedza mukanwa medu, ngatiregere kusvipira mhodzi dzatinenge tasvisvina kunaMwari.

Kana tagara nekugarika panyika, tinoramba Mwari, tigoramba shoko rake nezvavakatsanangura kuti ndizvo zvinofanira kuitwa nevanhu vakasikwa neMusiki. Mwari ndivo vakasika denga nenyika, asi tinoramba kugamuchira hukuru hwaMwari tichibvunzana kuti pane akamboona Mwari here?

Asi zviri nyore kuti tirambe Mwari akasika denga nenyika. Tinoramba Mwari akasika denga nenyika, asi tichigamuchira vhangeri rekuti tichengetedze nyika ino yatigere kuitira zvizvarwa zvichatevera. Asika, chine basa kuti tichengetedze ishoko raMwari, nekuti Mwari vakatiudza kuti rinogara nekusingaperi. Asi kana iri nyika ino, Mwari vakataura kuti ichaguma. Saka kana Mwari vachiti nyika ichaguma, zvinoreva kuti nyangwe nezvese zvakagara, kana kuti zvakatakurwa nenyika hazvigone kusara panoguma nyika.

Ndiyo nyaya yatati kana munhu akatakura hari akagumburwa, kana nehari yacho yakagara kana kuti yakadengezerwa inodonhawo. Saka kana nyika iyoyi yatiri kudya zvekusvika pakukokota nekunanzva ichitipfumbata muruoko rwayo kunge musuva wesadza, tinofanira kunge tiri vanhu vakaita sei? Vanoda nyika kudarika Mwari here? Nyaya iripo ndeyekuti tirarame tichiziva kuti nyika ichaguma.

Imwe mhando yewivhi iri kuvava mumisoro yedu, inyaya yekubvuma kusvinyangwa kunge misuva yesadza nezvinoda miviri yedu. Tan’yura kuti titimbwa mukudhakwa, mukuvimba nemapiritsi, mishonga, maporofita, mvura dzemiteuro, nyangwe nemune zvekudya. Kune vave kunamata kudhakwa zvekuti hazvichagoneka kuti zuva rikwire vasina kupindwa nedoro kana mbanje. Kune vasisagone kushandisa pfungwa dzavakapihwa naMwari nekuda kwekuti vanofunga kuti maporofita chete ndiwo anofunga nekubatsira.

Havachagona kufunga nepfungwa dzavo, kana kuzvibatsira pachezvavo nyangwe nezvinhu zviri pachena nezvakapusa. Tatadza kuzvidzora pazvinhu zvakawanda. Tatadza kuzvidzora panyaya dzebonde zvekuti upombwe nehumbwa hwatekeshera. Tisu tave ana mwari vedu. Zvinhu zvizhinji zvatiri kuzviunganidzira hazvisi kutipa zororo kana rugare nekuti hazvisi zvaMwari asi ndezvaSatani.

Chinosuwisa ndechekuti nyangwe machechi mazhinji nhasi uno, ari kuparidza vhangeri rekuporeswa pazvirwere, vhangeri rekubudirira, vhangeri rekupfuma – asi vhangeri rese iri iwivhi iri mumusoro uye yakagara pamusoro pevhudzi chairo. Mwoyo yedu nepfungwa dzedu zvinofanirwa kugara panaMwari kwete kugara panyika nekuti nyika iri kupfuura.

Jesu akati murayiro mukuru unoti, “Ida Ishe, Mwari wako nemwoyo wako wese, nemweya wako wese, nekufunga kwako kwese.” Kana tikada Mwari sezvinotaura Jesu, hatisonerere wivhi pamusoro pevhudzi redu chairo nekuti wivhi inonyengedza nekunyepa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey