Uncategorized

Kana zvandibata . . .

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Kana zvandibata . . .

Kwayedza

‘ndinosanduka kuita senyoka’
‘. . . ndichiona zvivanhu zvinenge zvimhuka’

Kingstone Mapupu —
MUSIKANA anogara kuDema Phase 2, kwaSeke, anoti ashaiswa rugare nekurohwa nezvinhu zvisinganzwisisike uye anonzwa mazwi achibva mumhepo achimuvhundutsira, pashure odonha nekubva aita kunge nyoka.

Ruramai Tsiga (26) — uyo anova nherera — anoti upenyu hwake hwakamuomera zvekuti anotomboingwa nepfungwa yekuda kuzviuraya sezvo pasina ari kumubatsira padambudziko rake.

“Ndinoona zvinhu zvinotyisa — zvimhuka kana mazivanhu uye ndichitonzwa mazwi. Vamwe vandinoona ihama dzepadyo, avo vanouya vakapfeka zviso zvemhuka kumusoro asi kuzasi voita makumbo chaiwo evanhu. Vanhu vandinotoziva nembatya dzavo,” anodaro musikana uyu.

RURAMAI TSIGA

Anoenderera mberi achiti: “Kunyange ndichifamba, ndinonzwa mazwi evanhu vandinoziva nevamwe vandisingazive achitaura neni. Asi ndikatarisa kwaanobva, handione vanhu uye mazwi aya anonyanyobva nemudenga.

“Kakawanda kacho mashoko acho anoti, ‘Hauna chaunombofa wakaita iwe, uchafa uri rombe nekuti une nharo sitereki. Wakatizirei kumba kwangu? Uchagara wakadaro’,” anodaro Tsiga.

Kana zvakakwidza, Tsiga anoti anoona vanhu vanenge vakapfeka zviso zvemhuka ava, abva adonha pasi – otanga kuzvonyongoka senyoka, musoro nemawoko zviri mudenga uye achipupa furo irwo rurimi rwakabuda kunge nyoka.

Vamwe vevanhu vaanoona anoti ihama dzepedyo dzekwaamai vake (mazita tinawo) uye akangoona zviso zvavo bedzi, anobva apunzika ozomuka pava paye achitobatsirwa nevamwe vanhu.

Musikana uyu anoti dambudziko iri rinonyanya kana akangopinda basa bedzi.

Tsiga akaita zvidzidzo zvemabasa emawoko akasiyana.

“Ndakatomboshanda pane imwe kambani pandaiva maneja, apo mazwi aya aiuya achiti, ‘Ungaite maneja here iwe isu vedu vana vasina kudaro?’ Ndaigara ndichirohwa nezvinhu izvi kudzimara ndakazoburitswa basa apo zvainditorera mari yebasa ndichigara ndichishotesa nekukotsira pakombiyuta,” anodaro.

Pakashaika vabereki vake, Tsiga anoti akazorerwa kumusha kwaamai vake.

SEKURU-BHAURENI

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2007 apo ndairota ndichitandaniswa nenyoka ndozofuma ndichirwara zvikuru.”

Kumusha kwababa vaTsiga ndekwaBorera, kuMutawatawa, mudunhu reUzumba uye anoti hama dzake hadzisi kumubatsira padambudziko iri.

“Izvozvi mazwi aya anoti, ‘Iwe unoda kuzviita baba? Zvino baba chaivo uchavaona, wakangwarisa’.” Pamusoro pezvo, Tsiga anoti ari kugarorohwa nezvishiri zvisingaonekwe.

“Chandinotadza chacho handichizive. Ndinorohwa mbama nezvibhakera zvakasimba pasina munhu wandinoona anoita izvi. Izvozvi ndiri kugara nabhudhi kuDema, dzimwe hama dzose hadzindide,” anodaro.

Nguva yadarika akabatwa neshavi renyoka apo ainamatirwa ari pamba nemumwe muporofita.

Akapunzika pasi ndokutanga kufamba nedumbu akaburitsa rurimi, akasimudza musoro nemawoko mudenga.

Aiburitsa rurimi kunze sezvinoita nyoka achirwerwa rute nekupupa furo uye aitaura zvisinganzwisisike.

Mweya waive wakamubata wakazogumisira wave kuti inyoka, kwete munhu.

“Ini ndiri nyoka. Ndakaiswa pano na**** vangu (zita tinaro), ndisiyei handidi naye. Ndinogara ndichimufudza mwana uyu.

“Haambofa akaroorwa, ndini ndinotora basa rake nemari yake. Imi ndimi ani munoda kundibvisa? Mukaramba muchida kundibvisa ndinomuruma kana kumumonya ofa,” rakadaro izwi raitaura pamusikana uyu.

Paainamatirwa kudaro – Kwayedza iripo — akazorutsa furo jena apo mweya waiva wakamubata waiti wakange wava kuenda.

“Surrender! Ndave kuenda wandipisa. Wakambobva kupi iyewe kuti usangane nemunhu wangu uyu?” wakadaro mweya uyu.

Ipapo Tsiga aitenderera nemba yekutandarira apo vamwe vanhu vaitiza kushita senyoka uko aiita.

Zvakadai, VaPatrick Kapfunde (48), avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni kuMt Darwin, vanoti musikana uyu akaturikwa mweya yezvidhoma neyevanhu vakafa iyo iri kumushandisa.

“Anoda kubatsirwa nekukasika, anogona kunge ari kushandiswa nedzimwe hama dzake dzichiita mari naye,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira Tsiga vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 517 302.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>