Kanzura akapa mabhuku

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Lovemore Kadzura ari kwaRUSAPE
Kanzura wewadhi 12 kuMakoni Rural District Council, ku-        Headlands, akatsvaga mabhuku ekuverenga 80 000 ayo akagoverwa kuzvikoro 17 zvepuraimari nesekondari zviri muwadhi iyi.

Kanzura Obert Gonzo, avo vanove zvakare director wesangano rakazvimirira, reFamily Visions Child Support, vakawana rubatsiro rwemabhuku aya kubva kuboka reZambezi Schools Book Project rekunyika ye- United States of America. Kunze kwemabhuku ekuverenga aya, Kanzura Gonzo vakatsvagawo makombiyuta 96 ayo vakapa kuzvikoro zvitatu zviri muwadhi mavo.

Mabhuku aya achabatsira zvikoro izvo zvakatarisana nedambudziko nekushomeka kwemari yekutenga mabhuku ekuverenga. Mabhuku aya anosanganisira eMathematics, History, English, Geography, Art, Leisure, Literature neEarly Childhood Development.

Kanzura Gonzo vanoti vakatsvaga rubatsiro urwu mushure mekunge vaona kukura kwedambudziko rekushomeka kwemabhuku ekuverenga muzvikoro zviri muwadhi mavo izvo zviri kukonzera kuderera kwekupasa kwevana pabvunzo. Vanoti mabhuku aya anoenderana nezvinodiwa pasi pechirongwa chitsva cheNew Curriculum.

“Ndakatsvaga mabhuku aya kubva kuZambezi Schools Book Project iri kuUnited States of America uye pari zvino vatipa mabhuku ekuverenga 80 000 ayo atakaendesa muzvikoro 17 zvepuraimari nesekondari zviri muwadhi 12,” vanodaro.

“Tine hurongwa hwekuti chirongwa ichi chitekeshere mudunhu rose reHeadlands kuitira kuti mudzidzi wose ave nebhuku rekuverenga.

“Ndakavingwa nevakuru vezvikoro zvakawanda avo vainyunyuta kuti vabereki havasi kubvisa mari dzechikoro, nekudaro izvi zviri kuita kuti vatadze kutenga mabhuku ekuverenga. Saka ndakatsvaga rubatsiro kubva kune shamwari yangu iri kuUnited States of America iyo yakandibatsira nemwoyo unoda,” vanodaro Kanzura Gonzo.

Vanoti vakapa zvimwe zvezvikoro izvi mabhuku ekuverenga anosvika 2 500 pachikoro chimwe chete zvichienderana nekukura kwemalibrary avo.

“Sekanzura, izvi ndizvo zvandiri kuitawo mukutsigira zviri kuitwa neHurumende munyaya dzekusimudzira dzidzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links