Kanzuru itsva yematicha

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Kanzuru itsva yematicha

Kwayedza

–‘tpc ichakoshesa mabasa evadzidzisi’

Malven Mugadzikwa —
ZVAKAKOSHA kuti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riongorore kuti mudzidzisi wose ari pachikoro haana kupinda basa nechikiribi here uyewo varairidzi vanofanira kuve nechido nebasa ravo.

Mashoko aya akataurwa naDistrict Schools Inspector wemudunhu reNothern Central District muHarare, VaSolomon Mafukidze, pamusangano wavakaita nevakuru vezvikoro nevadzidzisi paMt Pleasant High School, muHarare.

Musangano uyu waive nedonzvo rekuti vape mafungiro avo pamusoro pekanzuru ichaparurwa iyo ichaona nezvemashandiro evarairidzi, yeTeaching Professions Council.

Mimwe misangano yerudzi urwu iri kuitwa kumatunhu akasiyana enyika nechinangwa chekuti maticha nevakuru vezvikoro vaburitse mafungiro avo nezvavanganda kuti zviitwe maringe nekuparurwa kweTPC.

“Chishuviro chedu mukuumba kanzuru yeTPC ndechekuti mudzidzisi wose ange achinyoresa kukanzuru iyi, kusanganisira vaya vari kumakoreji evadzidzisi. Hurongwa huripo ndewekuti mudzidzisi wose ange ari pasi pekanzuru iyi. Izvi zvinobatsira nenzira dzakawanda, kunyanya kuvadzidzisi.

“Zvinosiyanisa vadzidzisi vechokwadi nevechikiribidi. Pakunyoresa kukanzuru iyi, munhu anoongororwa magwaro ake ebasa zvakasimba, kubvira nekwaakadzidza kuti mapepa ake ndeechokwadi here.

“Kanzuru iyi iri kutarisirwa kuti ichange ichitorawo matanho akaita sekudzingwa kwemunhu basa zvichienderana nemhosva yake,” vanodaro VaMafukidze.

VaMafukidze vanoenderera mberi vachiti TPC ichaita kutiwo vana vechikoro vafundiswe nevadzidzisi vakadzidzira basa sezvo kuine vamwe vavanoti vari kupinda basa nemikoto ivo vasina kuridzidzira. Vanoti TPC ichachengetedza zvakare mudzidzisi akafundira basa kuti asatorerwe basa nemunhu asina kurifundira.

“Vana vanoenda kuchikoro kuti vasangane nevadzidzisi vanofundisa nemazvo kuitira kuti vabude zvakanaka pakupedza kwavo chikoro. TPC ichabatsira mukutorwa kwevadzidzisi mubasa ichishanda pamwe chete neHurumende mukupinzwa basa kwematicha nePublic Service Commision. TPC ichava tsime rinenge richitorwa maticha ane magwaro akakwana,” vanodaro

Vanoenderera mberi vachiti: “Ongororo yekuparurwa kweTPC iri kusanganisira vadzidzisi nechinangwa chekuti vakwanise kunzwisisa mafambiro azvichaita uye zvavanotaura zvizhinji zvacho ndiwo mafambiro achaita kanzuru yacho.

“Mushure mekunge vadzidzisi nevakuru vezvikoro vapedza kuita ongororo nekugadzirisa mafambiro anofanira kuita kanzuru iyi, zvinenge zvabuda zvichaturwa kugurukota redzidzo yepuraimari nesekondari zvozoendeswa kudare reParamende nekuti ichashanda iri pasi pemutemo.”

VaMafukidze vanoti dunhu ravo reNothern Central District riri kufarira kuparurwa kwekanzuru iyi izvo zvinoonekwa nehuwandu hwevakuru vezvikoro nevadzidzisi vakapinda musangano uyu.

Share This:

Sponsored Links