Uncategorized

‘Kanzuru ndiyo honzeri, kwete isu’

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
‘Kanzuru ndiyo  honzeri, kwete isu’

Kwayedza

VANHU vanotengesera zvinhu zvinosanganisira zvekudya mumigwagwa muguta reHarare vanoti vakazvipira kuita “hondo” nekanzuru zvichitevera mashoko ekuti vanofanirwa kubva munzvimbo dzavari kuitira izvi mukati memaawa 48.

Kanzuru yeHarare nemusi weChipiri svondo rino yakazivisa vatengesi ava kuti vanofanira kubva munzvimbo dzavari kutengesera nechimbi-chimbi zvichitevera kunyuka kwechirwere chetyphoid kuMbare, icho chinokonzerwa nehuchapa.

Kwayedza yakakurukura nevatengesi ava nevamwe vanhu muguta guru avo vari kudya magaka mambishi nekuda kwenyaya iyi.

“Isu hatisu tiri kukonzeresa typhoid asi kuti iyo kanzuru ndiyo iri kukonzeresa zvirwere zvemanyoka nekuda kwekusatakura marara kwairi kuita uye mvura yakasviba iri kubuda mumapombi. Izvozvi muguta muno hamuna zvimbuzi zvakakwana uye mvura mupombi hamuna. Typhoid haibvi muguta muno asi kudzimba kwatinogara.

“Kanzuru iri kungoda kutitorera zvinhu zvedu saka ngavauye, tichapedzerana navo,” anodaro Tracy Chikwanha (26) uyo anotengesera mumugwagwa First Street.

Anotsigirwa naVaJohn Jacob (35) vachiti kutengesa kwavanoita hakunei nekupararira kwezvirwere muguta asi kuti marara anofanira kutakurwa.

“Tendererei muone kuti marara ari mumabhini ari kutakurwa here, kuzoti ari mumikoto! Tonzi tisu tiri kuunza zviwere, kwete. Kanzuru ngaiite basa rayo nemazvo. Nhunzi dziri kubva pamarara ndidzo dziri kutouya dzichimhara pachikafu chatinotengesa,” vanodaro.

Doreen Mashonganyika (27) anotiwo zvimbuzi zvishoma muguta zvekuti vanhu vari kungoitira tsvina pese-pese.

“Tinoda zvimbuzi zvakawanda uye zvinoshanda mumaguta ese. Kune vamwe vanotenga chikafu mumakylites uye kana vaguta voitira tsvina imomo vozopotsera kunze. Ndinototyira vashandi vekanzuru vanotsvaira vanobata tsvina idzodzo zuva nezuva, moti typhoid ingapera?” akadaro.

Martha Muchineripi (26) wekuDamafalls anoti mvura yekushandisa mudzimba yakasviba uye suweji iri kungoyerera pese-pese ndizvo honzeri yetyphoid.

Portia Mutandwa (32) anotiwo vanhu vanzwa nekutengeserwa mvura dzenhando vachinzi i”mineral water” uye chikafu chine tsvina nekudaro vatengesi vose vemakandini nevepanze vanofanira kuongororwa mashandiro avo.

“Handi vatengesi vepanze voga vanofanira kudzingwa asi kuti kunyangwe vane makandini nekuti mazhinji acho haana marezinesi. Sadza, chibage zvave kungobikwa pakati peguta, zvikuru sei manheru. Tinopera necholera!” anodaro.

Joe Mupinga (30) wekuKuwadzana Extension anoti zvinotoda mushandirapamwe wekanzuru nevatengesi vepanze kuti dambudziko rehuchapa ripere.

“Isu hatina huchapa nekuti tinotsvairawo patinotengesera saka tinofanira kubatana nekanzuru nekuti hakuna nyika isina vatengesi vepanze. Hatingatengesi hembe tese uye hapafaniri kuitwa rusarura pakudzinga vatengesi,” anodaro.

Evelyn Soko (33) wekuEpworth anoti kanzuru iri kutsvaga kuita mari nevatengesi vepanze. Lantana Tafadzwa (35) anove mutyairi wemakombi anobva muHarare achienda kuChitungwiza anoti kanzuru iri kurara pabasa.

“Vatengesi vechikafu havana mhosva kana guta rakachena. Marara ari kuzara mumakomba anofanira kufamba nemvura zvekuti kana kukanaya mota dzinoyeredzwa. Ingoonai marara azere pano paCharge Office,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links