Kapfupi akabirwa gitare

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Kapfupi akabirwa gitare

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUIMBI ane mukurumbira uye ari nyanzvi zvakare munyaya dzemadhirama — Freddy ‘Kapfupi’ Manjalima — wechikwata cheOrchestra Ndozvo akabirwa gitare rake (lead guitar) nguva yadarika mushure mekunge achangopedza kuridza panzvimbo yekutandarira inonzi Casedale kuNyabira pedyo neguta reHarare.

Gitare iri rinonzi rakabiwa apo Kapfupi nechikwata chake vakange vambozorora vachitura mafemo mushure mekuita shoo usiku hwose.

Pavakadzokera vave kuda kunorengedza midziyo yavo yekuridzira kuti vachipinda munzira kudzokera kuHarare ndipo pavakaona gitare iri risisipo.

Kapfupi anotsinhira nyaya iyi, “Ndazoona kuti chokwadi Kwayedza hamunyepe, manje-manje makabata nyaya yangu yetsaona yandakasangana nayo mumugwagwa mukainyora pamakauya kumba kwangu mukataura neni. Ndimi mega munotaura nevanhu musati manyora nyaya pane kungonzi Kapfupi azodai, akazoita chakuti pasina ataura neni.”

Anoenderera mberi achiti, “Chokwadi gitare rangu rakabiwa tapedza shoo kuma 4 am tave kuda kutobva zvedu panzvimbo inonzi Casedale pakati peNyabira neMazowe, tave kuda kurongedza midziyo. Dai rakabiwa tisati tapedza kuita shoo zvinhu zvingadai zvakadhakwa. Hamheno iye akaba uyu pamwe akanzwa kuti ukaba gitare raKapfupi simba rake rekuridza rinopera manje kunyeperwa mafero,” anodaro Kapfupi.

Anoti vakaridza usiku hwose apo vakazozorora pakabiwa gitare iri.

“Takaridza kubva kuma 9 usiku mupaka pungwe apo takazozorora ndokumbobuda panze tichifurwa nemhepo. Tadzoka, ndakasvikoshaya rangu chairo gitare lead racho vakomana vangu nevepagedhi ndokutanga kumhanya-mhanya rikabva rashaika. Kuti tizive kuti rakabiwa sei hapana akaziva,” anodaro

Kapfupi anoti nyaya iyi vakazoimhan’ara kumapurisa ekuNyabira. “Takadzoka kuHarare tisina rimwe gitare ratorwa nemakoronyera emunzvimbo iyi. Asi mufunge zvenyu nyaya yakanyanya kunaka ndeyekuti nhasi chaiye (svondo rapera pamberi) apo muri kufona izvozvi gitare iri ndakafonerwa nezuro richinzi rawanikwa mune imwe komboni pane zvimwe zvikomana zvaitoda kuritengesa. Ndakutuma vakomana kunoritora,” anodaro Kapfupi.

Anoti inyaya inonetsa kuti hakuna nguva ndefu aita tsaona apa gitare rake rave kubiwa zvakare.

“Mazuva ano ndave kunamata zvakasimba ndichiendawo kuchechi nemudzimai nemhuri. Tsaona yakaitika manje-manje munguva yakadarika, gitare rave kubiwa tichibva mukuridza! Chii manje ichocho?” anodaro Kapfupi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro akaita nyaya yekubiwa kwegitare raKapfupi nekuzowanikwa kwaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey