Uncategorized

Kasipiti ‘Siriro’ korutsa zvipfeko, magemenzi

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Kasipiti ‘Siriro’ korutsa  zvipfeko, magemenzi VaJames Chidamba vachiratidza pakasipiti pavanoti paimhanya nenyanga yemheni. — Mifananidzo Tariro Kamangira.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Kudunhu rekwaMunyawiri, kuDomboshava, kunonzi kune kasipiti ako “kanorutsa” zvinhu zvinosanganisira zvipfeko zvemukati zvechirume, nyanga nemagemenzi izvo zvinoita kuti vagari veko vagare vachitya.

Kasipiti aka — ako kari mubhuku raChidamba – kanodaidzwa nezita rekuti Siriro uye kari mujinga mechikomo chekuonekwa hari nhatu idzo dzainge dzizere kuti kabu netsvina yemunhu, nyama nedoro zviri padivi nguva pfupi yadarika.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira nzvimbo iyi ndokuita hurukuro naVaJames Chidamba (45), avo vanova mwana waSabhuku Chidamba vachiti ndivo nyakutanga kuona mashiripiti aya. Vanoti vakatanga kuona zvipfeko zvemukati zvechirume zviri mumvura yaibuda pakasipiti aka.

“Pandakaona mazinduwe matsvuku echirume ari mumvura, ndakazvishairwa pazvo ndikashevedza mamwe madzimai emunharaunda avo vakauya tikaita muonerapamwe. Takabva tadeedza mumwe muporofita wemuno, uyo akauya akamwaya muteuro wesauti patsime iri sezvo aiti pane hushereketwa huri kuitwa. Paakangomwaya munyu achinamata, pakabva pabuda nyanga, muporofita uya akatora chinguva kuti aibate sezvo yaitenderera netsime — ichimboita zvekukwakuka ichitiza,” vanodaro VaChidamba.

Vanoti muporofita uyu akazotora nyanga iya, zvipfeko zvemukati zvechirume nemachira anenge magemenzi zvaive apa ndokunozvipisa.

Va Chidamba vamire pamusuwo wemba yavanoti yakarohwa nemheni ivo vari mukati mayo gore rapera. — Mifananidzo Tariro Kamangira.

“Ndinovimba kuti nzvimbo ino inofanira kuchenurwa nekuti mushure mechiitiko ichi, ndipo patiri kunzwa kuti kune hari nhatu dzakasiiwa muchikomo chiri pedyo nemisha yedu dzizere nyama, doro netsvina yevanhu. Asi tinongoramba tichifungira kuti ari kuitisa zvose izvi haasi munhu wekure, ndewemuno.

“Tinogara takabatira hana mumawoko, zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura nekuti mheni dzarova dzarovazve munharaunda ino. Ini ndakatombopotswa nayo munguva yechando mumwedzi waChikumi gore rapera apo yakarova imba yandainge ndirere,” vanodaro.

VaChidamba vanoti vakasara vachichaya manyoka eropa mushure mekuvhungwa nemheni uye vakazoshandirwa nemumwe muporofita.

“Tiri kutsvaga muporofita kana n’anga yemandiriri vatibatsire kuti tizive kuti zvii zviri kuitika mumusha muno. Tinoda kwazvo kuti kana aya ari mabasa emuvengi adzokere kumwene wawo.”

VaChidamba vanoti kasipiti aka kanonzi kanoyera zvikuru sezvo kaishandiswa nemadziteteguru pasichigare apo vaipira midzimu yavo vari panzvimbo iyoyi pamwe nekuita mapira uye kave nemakore mazhinji kasingapwe kunyangwe kukapisa zvakadii. Sadunhu wenzvimbo iyi, VaEdmond Pepukai Munyawiri havana kubatika kuti vapewo maonero avo panyaya ino.

Nyanzvi munyaya dzezvechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti nzvimbo dzakadai sezvisipiti kana zvitubu zvisingapwe mvura dzinoyera.

“Nzvimbo dzakadai dzinoyera uye vagari veko vanenge vachitoziva chivanhu cheko izvo vanotevedza sekuziva midziyo inoshandiswa pakuchera mvura semikombe kana kusaendako nehari nhema. Pazvisipiti zvemhando iyi panowanzogara njuzu, saka panoyereswa. Nokudaro kana vanhu vakakundikana kutevedza chivanhu chepo, chitubu ichocho chinogona kupwa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti asi havasi vose vanhu vanokwanisa kutevedza nyaya dzechivanhu.

“Kune vamwe vatendi vemamwe machechi vanoti havana zvinoyera, asi nekuziva kuti nzvimbo idzi dzine zviyerwa, vanogona kuenda nerweseri vachinotsvaga masimba nekushandisa mvura dzemuzvitubu izvi.

“Asi izvi zvinogona kuramba nekuti vanenge vasingazive chivanhu chepo. Vamwe vanogumirisa vava kurasirira madumwa kana machira ekumakereke nenyanga dzavo dzemheni muzvitubu izvi kunova kukanganisa nzvimbo dzinoyera.

“Saka nekufamba kwenguva vanhu vanogona kuzogumisira vava kushaya mvura kasipiti kapwa. Pazvitubu hapawachirwe mbatya kana kugezerwa nekuti njuzu dzinogarapo dzikangoyera dzatama, panosara pachipwa mvura,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey