Uncategorized

Kasvava kakabiwa

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

MAPURISA ekuChegutu ari kukumbira veruzhinji kuti vavabatsire kutsvaga mwana akabiwa, uyo ane mwedzi mishanu yekuberekwa uye panguva yaakashaikwa akanga aine mwedzi mitatu.
Inspector Clemence Mabgweazara, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, vanoti kasvava aka kakabiwa papurazi reMaridadi, kwakare kuChegutu.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa2 Kubvumbi apo Raviro Muradza akapa mumwe mukadzi kasvava aka uyo akabva angoverera nako. Mudzimai ari kupomerwa kuba mwana uyu akasvika papurazi iri achiti yaiva nyanzvi yeimwe kambani uye akanga auya kuzodzidzisa varimi vepapurazi iri marimirwo efodya pamwe chete nekupiswa kwayo.  Mudzimai anonzi akaba mwana uyu anonzi angangodaro aine makore 32 ekuberekwa, ane muviri uri pakati nepakati uye akangozivikanwa saMai Rose.

Insp Mabgweazara vanoti mudzimai uyu akabvakachira papurazi apa mumwedzi waZvita gore rakapera achiti aida kubatsira pachena varimi neruzivo rwekurimwa kwefodya.

Anonzi akavimbisa varimi ava kuti aizofamba kubva pane imwe imba achienda pane imwe achipa dzidziso iyi kusvikira vose vapera, izvo vakatambira nemawoko maviri.

Akazogara mupurazi umu achidzidzisa varimi ava kusvikira nemusi wa2 Kubvumbi gore rino nenguva dzemangwanani apo akakumbira kuchengeta mwana waMuradza wepapuroti nhamba 83, papurazi iri.

Mudzimai uyu anonzi akatakura kasvava aka achiti aida zvake kumbonoona mukomana wake kusango raiva padyo achibva aenda nemwana uyu zvachose.

Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa ekunzvimbo iyi zvaonekwa kuti mudzimai uyu akanga asina kudzoka izvo zvakaita kuti mapurisa neveruzhinji vabatsirane kumutsvaga asi hapana chakabuda.

Vakakumbira kune veruzhinji kuti kana paine vane zvavanoziva varidze nhare panhamba dzemapurisa ekuChegutu dzinoti (053) 2490 kana dzaOIC dzinoti 0772 657 968, kutaura naInsp Mabgweazara panhamba dzekuChinhoyi dzinoti (067) 25505 kana dzinoti 0712 520 412 kana kuzivisa mapurisa ari padyo navo.

Share This:

Sponsored Links