Uncategorized

Kasvava kakamera mazamu

23 Apr, 2015 - 09:04 0 Views
Kasvava  kakamera mazamu

Kwayedza

Malvern Mugadzikwa naKingstone Mapupu
KUNE mwana musikana kasvava wekuGlendale, kuMashonaland Central Province uyo akasunungukwa zvakanaka asi ndokuzotanga kukura mazamu mushure memazuva manomwe azvarwa.Vemhuri yemwana uyu nevamwe vari kuziva nezviri kuitika pakamwana aka vanofungidzira kuti izvi zviri kukonzerwa nevaroyi. Theresa Dekwende (19), wepanhamba 1039 Rujeko, ari kushupika nezviri kuitika pamwana wake mucheche, Ashley Kamwendo, uyo akamera mazamu akangofanana neemusikana achangoputudza kwangopera svondo mwana uyu asunungukwa.

Dekwende, uyo anova mudzimai waCharles Kamwendo (26), anoti akaita chipo chemakore mashanu asingabate pamuviri asi ndokuzoita mimba yemwana uyu.

Kwayedza payakashanyira mhuri iyi svondo rapera yakawana mukadzi uyu nemwana wake vari pamumwe muporofita wekuSisk, mekare muGlendale, anonzi Madzibaba Stepnage kana kuti Rodrick Mhosva (49), uko ari kutsvaga rubatsiro.

Dekwende anoti paakaroorana nemurume wake akasangana nedambudziko rekushaya mbereko ndokugara makore mashanu vachingofamba mumaporofita nemudzin’anga.

“Takafamba kakawanda tichitsvaga kuita mwana kusvikira takazoenda kune mumwe muporofita wechidzimai uko tose nemurume wangu takanopihwa muteuro wekunwa wemazai mambishi nemukaka. Ndakabva ndazobata pamuviri gore rakapera tikafara zvikuru. Ndakazosununguka mwana wangu kuchipatara cheConcession zvakanaka nemusi wa7 Kubvumbi gore rino,” akataura achinzwisa tsitsi.

Anoti asununguka, akaburitswa muchipatara pasina dambudziko ndokuenda nemwana wake kumba.

Kwadarika mazuva manomwe mwana uyu azvarwa, vanoti vakazoona mwana uyu amera mazamu apo aimugezesa.
“Ndakazviona ndichimugezesa ndikashamiswa zvikuru ndokubva ndataurira murume wangu. Takazoenda kunotaurira amai vangu, Mai Susan Dupuka (36), avo vanogara kupurazi reChimuka nemumwe murume akavaroora pakashaya baba vangu,” akadaro Dekwende.

Mushure mezvo, mudzimai uyu anoti akazoenda kumuporofita Madzibaba Stepnage achitsvaga rubatsiro.

“Amai vangu vakauya tikadzoka navo kumuporofita uko takasvikozivawo kuti vane dambudziko seremwana wangu, rekuzvimba mazamu, izvo zvavanoti zvakatanga kare. Dambudziko raamai rinonzi rimwe chete neremwana wedu sezvo mwana naambuya vose vakanzi nemuporofita uyu vanoyamwiwa nezvidhoma nezvikwambo,” akadaro.

“Amai vakavhura mazamu avo vakaratidza muporofita vachiti avo anongogara akazvimba. Zvakare amai vedu vanenge vane chirwere chekurasa pfungwa izvo zvinoitika chete munguva yekurima,” akadaro.

Mukoma wemudzimai uyu, Winnet Mupfuranhehwe (26), uyo akanga amuperekedza kumuporofita, anoti mumhuri yavo nyaya yakadai haina kumbobvira yakaitika.

“Amai vakadura kuti vanoyamwiwa asi inyaya yatakaziva musi uno, mwana uyu amera mazamu, tatouya kuzobatsirwa kumuprofita. Tave kungotarisira kubatsirwa nemuporofita uyu kuti mwana ararame,” akadaro Winnet.

Anoti zvakare mumba mavo vakaberekwa vari vasikana vatanhatu.

Madzibaba Stepnage vanoti mhuri iyi yakauya kwavari nekuda kwedambudziko rine mwana uyu, iro rinoshamisa zvikuru.

“Dambudziko rakadai handisati ndamboriona. Ichi chivanhu chiri kuitika kumwana uyu. Anoyamwiwa nezvidhoma kana kuti zvikwambo, rinova dambudziko rimwe chete rakatanga kuna ambuya vacho,” vakadaro Madzibaba Stepnage.

Vanoti Mai Dupuka nemuzukuru wavo vakapihwa dambudziko iri nevanhu vanoshereketa.

“Vanhu vamwe chete vakaita kuti vapote vachiyamwiwa nezvidhoma ndivo vakaisa mhiko yekuti vapote vachirasika njere nguva yeZhizha uye iri rinogona kunge riri divisi. Dambudziko iri rinopera nekufamba kwenguva,” vakadaro.

Dekwende anoti akamboenda nemwana uyu kukiriniki yeko akanzi aende naye kuchipatara cheConcession, izvo asati aita sezvo ari kuti anoda kutanga amboshandirwa nemuporofita.

“Zvisinei kuti mwana wangu ari kushandirwa, ndinokumbirawo kana kuine vanogona kundibatsira vaitewo tsiyo nyoro nekundichaira nhare dzinoti 0774 502 423 kana 0734 764 233,”.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waDekwende sezvo akawanikwa ari kubasa.

Share This:

Sponsored Links