Uncategorized

Kasvava kobuda mukaka

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Kasvava kobuda mukaka

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MWANA kasvava kasikana kaye kekuGlendale, kuMashonaland Central Province, ako kakasunungukwa zvakanaka asi ndokuzotanga kukura mazamu mushure memazuva manonwe kazvarwa, kanonzi kave kubuda mukaka sezvinonzi munhu mukuru. Mai Theresa Dekwende (19), avo vanove amai vemwana anonzi Ashley Kamwendo uyu, vanoti vanetseka nekuzvimba kuri kuita mazamu emwana wavo uye dzimwe nguva vanomboasvina achibuda mukaka.

“Kubva pakatanga kubuda mwana mazamu, ndiri kuona kuti hapana shanduko. Pari zvino ava kubuda mukaka kana ndikamusvina.
“Pandinomusvina haaratidze kurwadziwa. Ndakangoti regai ndimboona kuti munei mumazamu, wanei ari kubuda mukaka. Zviri kundishamisa kuti chii chava kuitika pamwana wangu.

“Muporofita ari kundibatsira ndakamuudza akanditi pamwe handina kushandisa muteuro nemushonga waakandipa zvakanaka,” vakadaro amai vemwana uyu vachiratidza kupererwa.

Vanoti chimwe chiri kunesta ndechekuti amai vake, vanova ambuya vekasvava aka – Mai Susan Dupuka – avozve vane dambudziko rakafanana neremwana wavo rekuzvimba mazamu, vakangobva pamba svondo rapera vachiti vari kudzoka asi ndokuenda zvachose.

Mai Dupuka vange vachishandirwa padambudziko ravo nemuporofita mumwe chete ari kubatsira kamwana kekuzvimba mazamu aka.
Mai Dekwende vanoti havasati vaenda nemwana uyu kuchipatara cheConcession sekutaurirwa kwavakaitwa pakutanga nevakoti vepakiriniki yeko.

“Kuchipatara ndiri kuda kuenda asi dambudziko nderekuti ndiri kushaya mari yekuendako. Mwana pari zvino ari kumbobatsirwa kwamupororfita uye tiri kufungidzira kuti pamwe zvinoita nani, tichitsvaga mari yekuenda kuchipatara,” vakadaro.

Madzibaba Stepnage kana kuti Rodrick Mhosva (49), avo vari kubatsira mwana uyu vanoti achaita zvakanaka uye zvinongoda chete kuita ndokunge amai vake vashandisa muteuro nemazvo.
“Kubva pandakatanga kumubatsira, mwana ari kuita achichinja.

“Rimwe dambudziko ravapo nderekuti ambuya vemwana uyu, avo vane dambudziko rimwe chete serake, vari kunzi vakatiza zvekuti hapana ari kuziva kuti vakaenda kupi,” vakadaro.

Vanoti kuzvimba kuri kuita mazamu emwana uyu pamwe chete naambuya vake zviri kukonzerwa nezvidhoma zvinovayamwa.
Zvisinei, mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere, Director for Dieases Epidemiological Control, kubazi rezveutano nekurerwa zvakanaka kwevana, Dr Portia Manangazira, vanoti zvinogona kuitika kuti mwana anozvarwa aine mazamu akakura kana kuti achizoonekwa achikura nekufamba kwenguva zvisinei kuti anenge asati abva zera.

Izvi vanoti zvinokonzerwa nezvinhu zvinosanganisira kuwandisa kwemahomoni.
Svondo rapera pakabuda nyaya yekazvava aka, Dr Manangazira vakakurudzira vabereki vemwana uyu kuti vaende naye kuchipatara kuti vanobatsirwa.

Share This:

Sponsored Links