‘Khama chidadiso’

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
‘Khama chidadiso’

Kwayedza

. . . akakura achifarira nhabvu: Amai

VABEREKI vaKhama Billiat – mutambi wemaWarriors neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa – vanoti kubvira achiri mudiki aimukira kuenda kunhandare kunotamba nhabvu zvekuti ndiko kwaaiswera uye vaitozomutevera kana nguva yekudya yasvika.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nababa vaKhama VaMustafa Billiat naamai vake, Mai Rosa Rosi Billiat apo yakashanyira kumba kwavo kuMufakose muHarare ichida kunzwa zvakawanda pamusoro pemutambi ane mukurumbira uyu. Mumhuri mavo vakazvarwa vari vatatu – mukoma wake iye nehanzvadzi yake.

Svondo rino, Billiat akanyora nhorowondo zvakare apo akave mutambi wekutanga kubva muZimbabwe kuhwina mukombe weCAF Chamipos League mushure mekunge chikwata chake cheMamelodi Sundowns chakunda Zamalek yekuEgypt mufainari yemutambo uyu. Mai Billiat vanoti Khama achiri kuchikoro aisambowonekwa pavana vainzi vane musikanzwa sezvo ainge akanyarara uye chaaingoda chete kutamba nhabvu yake.

“ZvaKhama zvainge zvakanyanyisa, achiri mudiki kana nguva yekudya chaiyo yasvika maisambomuwana nekuti aiswera ari kunhandare achingotamba nhabvu tozoita zvekutevera kuti chimbouya kumba uzodya. Nhabvu aiyidisisa, akanga akazvipira saka ndinofara hangu nhasi ndakamutarisa nekuti zvave kumupa pundutso uye ave kutamba nhabvu inodakadza,” vanodaro.

Lovemore Billiat (kubva kuruboshwe) Rosa Rosi Billiat naMustafa Billiat vakabata mimwe yemibairo yakahwinwa naKhama mukutamba kwake nhabvu. - (Mufananidzo: Abel Ndooka)

Lovemore Billiat (kubva kuruboshwe) Rosa Rosi Billiat naMustafa Billiat vakabata mimwe yemibairo yakahwinwa naKhama mukutamba kwake nhabvu. – (Mufananidzo: Abel Ndooka)

Khama akazvarwa mumhuri yainge yakazara vatambi venhabvu, babamukuru vake mushakabvu Cheche Billiat vakanetsa zvikuru vachitambira CAPS United nemaWarriors kozoti vamwe anababamudiki vake zvakare vanoti George, Lovemore naAlidi Billiat vose vaitamba nhabvu kunyangwe vasina kuzosvika kure.

Achatanga kutamba nhabvu, Khama akabikwa kuchikwata cheAces Youths Academy uko akazobva achienda kuCAPS United. Kuchikwata ichi akatamba nevamwe vanosanganisira Knowledge Musona apo azotengwa neAjax Cape Town yekuSouth Africa.

Khama akaita mukurumbira ari kuAjax Cape Town zvakaita kuti atengwe neMamelodi Sundowns. Sekutaura kwaamai vake pamwe naLovemore, Khama paakanyanya kutamba nhabvu yainwisa mvura iyo yavakayemura ndeapo paaive kuAjax Cape Town achitamba naTulani Serero naTafadzwa Rusike.

Asi baba vake vanoti Khama haasati anyatsotamba kusvika pakasvikwa naCheche.

Vanoti svondo rega-rega vanonyora pasi mitambo yaKhama kuitira kuti paanombodzoka kumba kuzombozorora vanogara naye pasi vomurakidza pose paanenge akakangisa panoda kugadziriswa. VaBilliat vanoti mushure memitambo yose, Khama anofonera amai vake achibvunza kuti baba vake vanofungei nematambiro aanenge aita.

Amai vake vanotsinhira mashoko aya vachiti,  “Kunyangwe hazvo Khama ane mukurumbira pasi rose, munhu akazvibata haadadire munhu uye zuva nezuva anoda kuramba achidzidza. Svondo rega-rega anondichaira nhare achibvunza kuti baba vanofungei nematambiro andaita uye ndepapi pavanoona kuti ndinofanirwa kugadzirisa?

“Baba vake vanotorekodha mitambo yake yose kuitira paanodzoka vanogara naye pasi vomurakidza paakakanganisa, paakagona nepaanofanirwa kugadzirirsa.”

Asi kunyangwe hazvo baba vake vachifunga kuti Khama haasati atamba nhabvu kusvika pakasvika babamukuru vake, vanoti Khama aibva zvekuti ave kufanirwa kuenda kunotambira kunyika dziri kuEurope.

“Mumaonero angu haasati atamba kusvika padanho randinomutarisira ini asi ndikwo kwaari kuenda mbichana-mbichana ndinovimba chaizvo kuti anosvika akaramba achishanda nesimba. Asi yasvika nguva yekuti achienda kunotambira kuEurope nekuti muSouth Africa avapedzera, havachamukwanise manje ave kumberi,” vanodaro.

Zvakadai, Khama anotarisirwa kuve ari muchikwata chemaWarriors chichaenda kunokwikwidza kumutambo weAfrican Cup of Nations (AFCON) kuGabon gore rinotevera muna Ndira. Vabereki vake vanotiwo vave kutogadzirira kubhadhara mari yendege kuti vaende kunomutsigira kumutambo uyu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>