Khan oramba kumirira Pakistan

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Khan oramba kumirira Pakistan AMIR Khan

Kwayedza

AMIR Khan

AMIR Khan

AMIR Khan anoti akaramba mukana wekumirira Pakistan kumitambo yeRio Olympics. Khan, uyo akahwina menduru yesirivha kumutambo wegore ra2004 kuAthens, akambotaura kutanga kwemwedzi uno kuti anoda kuwana mukana wekumirira nyika yakazvarirwa vabereki vake kumutambo uyu.Asi akazobuda hake pachena kuti haakwanise kuenda kunokwikwidza kumutambo uyu achiti anenge asati agadzirira kuenda Rio sezvo achifanirwa kutamba mimwe mitambo kuVenezuela mwedzi unotevera.

Khan ari kumbopora zvichitevera kurikitwa kwaakaitwa naSaul Alvarez wekuMexico apo vairwira bhande reWBC middleweight kuLas Vegas. Muchinda uyu akarohwa kusvikira aona chadzimira muraundi rechitanhatu.

Akambenge ataura zvekuda kuenda kunokwikwidza kumitambo iyi mushure mekunge boka reAIBA razivisa kuti vatambi vari muboka re‘professional boxing’ vanogona kukwikwidza kumaOlympics apo pakaitwa musangano kuLausanne. — Daily Mail Boxing

 

Share This:

Sponsored Links