Uncategorized

Kirisimasi: ‘Vamwe tatoimirira’

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Kirisimasi: ‘Vamwe tatoimirira’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa, Gamuchirai Muzanenhamu naLizzy Mushoriwa —
VANHU vemazera akasiyana vanoti vatarisira zvikuru zororo reKirisimasi iro vachapemberera nenzira dzinosanganisira kushanyira hama neshamwari.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vanhu pamusoro pehurongwa hwavo pazororo iri.

Muimbi ane mukurumbira munziyo dzechitendero Anywhere “Mr Favour” Mukani anoti paKirisimasi achaswera achifara nekugocha nemhuri yake pamwe nehama neshamwari.

“Zuva iri ndicharisiyanisa nemamwe mazuva nekuswera ndiri kuKwekwe ndichifara nehama neshamwari. Takaronga kusangana tichigocha nekudyawo. Ndiyo nguva yekusangana neshamwari, dzimwe dziri kunze kwenyika tichifara tombosendeka zvebasa padivi. Shamwari idzi dzinosanganisira vandakapinda navo chikoro nevamwe vandazosangana navo mumabasa,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Tiri kutarisirawo kuita tumitambo twekuzvivaraidza pazuva iri tunosanganisira kutamba bhora. Chishuviro changu kuti veruzhinji vafare pazuva iri vachirangarira kuchengetedza upenyu hwavo, kunyanya pamigwagwa uye kudzivirira mhirizhonga inokonzerwa nekudhakwa.”

Clara Mpala (28) — uyo anoita zvekutengesa muHarare — anoti achapedza zororo iri ari muguta achitsvaga mari zvisinei nekuti aifanira kunge achienda kumusha.

“Gore rino kumusha ndiko kuchauya kuno. Ndine shuviro yekuti ndingadai ndatova kumusha panguva ino asi kuti nyaya yekutsvaga mari ndiyo yandisunga kuti nditambire Kirisimasi muno muHarare. Musi uyu ndichauya kubasa semazuva ose ndichitengesa zvekudya nezvinwiwa kune avo vachange vachifara sezvo mari yangu isina kundikwanira yekuti nditenge girosari rekuti ndiende kumusha kunofara nevamwe,” anodaro.

VaSmart Kamuchuruka vakarongera Kirisimasi kuswera vachitandara nemhuri yavo vachidya tunonaka.

“Mamwe makore ndinombotambira kumusha kwaMurehwa asi gore rino handisi kukwanisa. Ndichatsvaga zvekuswera ndichidya nekutandadzana nemhuri yangu ndiri pamba tichifara takaungana nehama neshamwari. Musi uyu ndichaukoshesa nekutsvaga chikafu chemhando yepamusoro uye ndinoda kuti chigobikwawo zvine musiyano todya zvedu takatandara. Zvebasa ndozozviona Kirisimasi yapfuura,” vanodaro.

Tanatswa Mudede (17) anotiwo ari kushuvira kutengerwa zvipfeko zvitsva nevabereki vake izvo anozoda kuswera akapfeka achipemberera Kirisimasi.

“Ini ndanga ndichitoda kari kahoridhe kekutomboenda kana kuDubai chaiko asi handisati ndaziva zvakakwana nekuti handizivi kuti vabereki vangu vakandirongerei. Kana pakashaikwa mari yekuenda kuhoridhe, ndichaswera pamba ndakapfekawo zvitsva zvandinenge ndatengerwa nevabereki vangu tichifara,” anodaro.

Dereck Masauso (28) anoti haana chaakagadzirira kupemberera zuva iri sezvo asina mari. “Ini ndichange ndiri kumba nemhuri yangu nekuti hapana mari yekuti ndiende kumusha sezvataisimboita makore adarika. Izvozvi vana vave kuchemera hembe dzeKirisimasi uye ndiri kutoshaya kuti ndodii nekuti kumabhengi hakuna kana mari. Ndikazowana yebhazi ndinongoendawo kumusha ndiri maoko nekuti yekutenga girosari handina. Ndave kutobva ikoko ndini ndinenge ndichida kurongedzerwa saka zviri nani kugara ndarega hangu,” anodaro Masauso.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey