Ko nhaimi, makachatirei?

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Ko nhaimi, makachatirei?

Kwayedza

KUSHAINIRWA nemukomana wawanga uchifunga kuti anokuda zvekutoda kukuroora kunorwadza. Chinorwadza ndechekuti, kana ukatanga kushainirwa musati mave kugara mese, ko kana mazove mese anozoita sei? Ko kana mazove nevana? Ko kana wazochembera?

Vanhu vari murudo havafanire kurwadzisana nekuita zvinhu zvinoita kuti mumwe afunge kuti dai zvake akadanana nemumwe munhu asiri iwewe.

Nekuti chokwadi chiripo ndechekuti iwe usati wadiwa, panogona kunge pane mumwe kana vamwe vakambodanana nemusikana wako.

Asi kana mukomana achikushainira asati akukanda pakicheni, tenda Mwari ufare nekuti unenge uchiratidzwa hunhu hwemunhu ari kuseri kwemukomana wako nguva ichiripo. Ndinorwadziwa nevasikana vanonyengerera vakomana vanovabata setishu rapukutiswa.

Nhamo yave nevasikana mazuva ano ndeyekubvuma kurara nemukomana nekuda kwekuti anenge achiti ndiko kuti ndizvione kuti unonyatsondida, kana kuti ndiko kuti ndigokuroora. Ndipo panorwadza kupusa kwevasikana ipapa.

Vanoita sehove dzinonyatsoziva kuti dzimwe dzadzo dzapera kubatwa nekuda kwechirauro, asi hadzidzidze kuti hakuna nyongorosi inongouya yega mumvura. Nyongorosi inogara muvhu. Chinopa mukomana simba rekushainira musikana kazhinji kuziva kuti akapedzerana naye paakarara naye, uye humhandara hwemusikana hapasisina.

Vakomana mazuva ano vave mapanga anocheka. Banga racheka gaka, richanocheka mango, rigocheka nyama, rigocheka hanyanisi, madomasi, ranjisi richienda. Chinorwadza ndechekuti, zvese zvarinenge racheka zvinosara zvave nemaronda.

Asi kana ukashainirwa nemukomana wausati warara naye, unogona kuita saGire waLeonard Dembo. Unogona kutaurira mukomana ari kukushainira kana ari kukuramba kuti, “Vanondida vakawanda wena, unozviziva ndinoswera ndaenda.”

Vakomana vazhinji mazuva ano vave nehunhu hwembwa yemumaraini isina muridzi. Imbwa iyoyo inoba huku nemazai. Maziso avo anotenderera chamupupuri cheruchiva nemakaro; vanotsvaga mari nenzira dzehukiribidi, uye vanogara vakaputirwa nedzungu rezvinodhaka.

Vanotongwa nefashoni nemafoni ane mazita. Vanoda kudhiraivha mota nyangwe vasina zvitambi. Kana kuti kana vaine zvitambi, vanoda kukwereta mota kuti vagoonererwa.

Ndine nyaya dzandiri kuverengawo nekunzwa munhau, dzevari kunetsana mushure mekunge vamboita muchato wakazezesa. Mumwe nemumwe wevaviri ava ave kuti uyu haaite, anodai nekudai, mumwewo achitaura zvakewo.

Zvakakosha kuti vana muzive kuti kuchata hakusi iko kunochinja munhu. Handikurudzire vakomana kana varume kurova vadiwa vavo, asi zvekurova kana hasha zvinoonekwa panguva yamunenge muchiri kudanana. Unofanirwa kuona kuti pano ndiri kudanana nebere rine muswe, asi kana ndikaribvunza kuti chii chinenge muswe iro ropindura richiti, “Hausi muswe, ibhandi!”

Zvino kune rimwewo divi tave kunzwa nyaya dzinotyisa dzekuti musikana ari kunzi anosvikirwa, uye akatapurira murume wake chirwere chepabonde.

Kana chiri chokwadi kuti musikana wauri kuda kuchata naye anokupa chirwere chepabonde, pane zvizhinji zvinoda kujekeswa. Sei makapfuurira mberi nemuchato? Nekuti kuchata kuvimbana, kutaura kuti tiri kutanga imba yedu takachena.

Ko iye akambopa musikana chirwere ndiani? Haachadzoka here akati ngatisimudzire paye patakasiira? Ko vezvehutano havati pane zvirwere zvebonde pane njodzi huru kwazvo yekuti pave nehutachiwana hweHIV here?

Ko makachatira nyaya dzemari dzezvipo zvemuchato here idzi, kana kuti makachatira rudo? Saka pachiine imba here apa? Ko muri kudzidzisa vadiki chii?

Zvinonzi kuna Isaya 1:13 “Musazouyazve nezvipo zvisina maturo. Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza.”

Vanhu ityai Mwari muridzi wemichato nekuti iye anoda chokwadi nekutendeka, uye anovenga kurambana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>