Kodzero dzevana: Zim yorumbidzwa

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Kodzero dzevana: Zim yorumbidzwa VaFriday Chisanyu

Kwayedza

VaFriday Chisanyu

VaFriday Chisanyu

SANGANO reUnited Nations rinoti rinofara zvikuru nebudiriro yaitwa neZimbabwe mukuchengetedza kodzero dzevanasikana, zvikuru mukurwisa kuroorwa kana kuroodzwa kweavo vasati vabve zera.

“Tinoda kuti masangano ose ange achiisa misoro pamwe chete mukurwisa tsika yakaipa iyi,” vakadaro VaBishow Parajuli, avo vanove mumiririri weUN muZimbabwe muchinyorwa chakabva kusangano iri.

“Tsika dzekuti vana vane makore 12 vange vachiroorwa ndinoona dzisingakodzeri zvachose nekuti dzinoderedza budiriro yevanasikana. Matanho makuru anofanira kutorwa kuti mitemo yose inorwira kodzero dzevanasikana inge ichicherechedzwa zvakasimba.”

Ongororo yakaitwa kuburikidza ne2014 Multiple Indicator Cluster Survey inoratidza kuti chikamu che24% chevanasikana vane makore 15 kusvika 19 okuberekwa munyika vakatoroorwa kana kuti vakatopinda munyaya dzepabonde.

Pamusoro pezvo, imwe ongororo yakaitwa ye2012 National Housing and Population Census kuburikidza nesangano reZimbabwe Statistics Agency inoratidza kuti nyaya dzekuroorwa kwevana vasati vabva zera dzakawandira kumatunhu akaita seChiredzi, Kariba, Makonde, Mbire, Muzarabani, Sanyati neShamva ayo ane chikamu che35% chenyaya dzerudzi urwu.

MuEpworth, muHarare, makaonekwa kuti chikamu chikuru chevanasikana varimo chakaroorwa.

“Tichitarisa nyaya idzi, tinoona kuti vanasikana vari kuroorwa ava vane mikana mikuru yekutapurirwa utachiona hweHIV pamwe nekudzvanyirirwa kodzero dzavo dzekuti vange vachiwaniswa dzidzo pamwe neutano,” vakadaro VaParajuli.

Sangano reUN rinoti riri kutambira nemawoko maviri rutsigiro rweHurumende mukusimbaradza mitemo yagara iripo maringe newanano iyo inoti vane makore 18 okuberekwa chete ndivo vane kodzero yekupinda muwanano.

“Tinokurudzira Hurumende kuti ifambise nekukasika mitemo ine chekuita newanano. Izvi zvinobatsira mukuderedza kuroodzwa kwevana uye zvinoita kuti mitemo yeZimbabwe inge ichifambirana nezvinangwa zvayakawirirana neUnited Nations maringe nekuroodzwa kwevana,” vakadaro.

Mumiriri wevanhukadzi kuUN, Delphine Serumanga, anoti kuenzaniswa kwemikana pakati pamadzimai nevarume kunoderedza nyaya dzemhirizhonga pamwe nekusimudzira upfumi hwenyika.

“Kupedza dambudziko rekuroorwa kwevana vasati vabva zera haisi nyaya yevanhukadzi bedzi asi kuti idambudziko renyika rinotoda mushandirapamwe,” vakadaro.

VaCheikh Cissie vanove mumiriri wesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) vanoti vanasikana vanofanira kukurudzirwa kuti vadzidze pachinzvimbo chekuti vasiire chikoro panzira pamwe nekupihwa ruzivo rwunoita kuti vawane mabasa mune remangwana.

Mumiriri weUnicef muZimbabwe, VaReza Hossaini, vanotiwo vana vakawaniswa dzidzo vanova neramangwana rakajeka uye havazombobvuma kushandiswa mumabasa akaipa nekuti dzidzo inoumba chiremerera mavari.

Mashoko ava akatsinhirwa nemutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioners Council vari zvekare nyanzvi munyaya dzechivanhu, VaFriday Chisanyu, vachiti nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana dzaitwa kare vanhu vachizvitambira asi kwete makore ano.

“Kare vana vane makore 12 kusvika 16 ekuberekwa vairoodzwa vachiita dzimba dzavo asi zvaiitwa senzira yekuchengetedza pfuma. Somuenzaniso, kana tete vachinge vakundikana kubata mbereko (kuita mimba), mwana wehanzvadzi ndiye aiendeswa kuti anobereka vana. Kana zvaita seizvi, pfuma haizodzorwi uye zvaiitwa senzira yekuda kufadza mukuwasha pamwe nekuda kuchengetedza wanano yatete asi mwanasikana ari kuroodzwa aisaonekwa seari kumbunyikidzwa.

“Tinotenda mitemo yakadzikwa neHurumende kuti mwanasikana ange achichengetedzwa kubva kuzvirwere zvepabonde zvakadai sekutapurirwa utachiona hweHIV, mhirizhonga, kushandiswa mabasa anorema, kuzvariswa pasina sarudzo yake uye asati abva zera nezvimwe,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links