Kodzero yevanhukadzi kuivhu

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Kodzero yevanhukadzi kuivhu

Kwayedza

“IVHU sechiwanikwa chagara chiripo, ndiro hwaro hwezvose zvinoitwa nevanhu. Kunyangwe zvazvo zvichiita kuti vanhu vararame vasina mimwe midziyo, hazvikwanisike kuti vararame pasina ivhu. Ivhu nekudaro rinofanirwa kutorwa sechiwanikwa chakatsanangurika,” (Walubiri 1994).

Aya mashoko aWalubiri apo aida kuratidza kukosha kwevhu.

Bumbiro remutemo weZimbabwe remugore ra2013 rinoti kuve nevhu ikodzero yemunhu wose.

Asi zvisinei nemutemo uyu, vanhukadzi vachiri kutarisana nematambudziko panyaya yekuti vave vene vevhu, zvikuru panhau yemapurazi akagariswa veruzhinji patsva.

Zvatakawana pakushanda nevanhukadzi zvinoratidza kuti nekuda kwedzimwe tsika dzechivanhu, kuti munhukadzi ave mwene wevhu mushure mekunge arambana nemurume kana kuti murume wake afa idambudziko.

Dzimwe mhuri dzichiri kuda kuti ivhu iri ive nhaka yevana vemufi dzichisiya mudzimai anenge ave chirikadzi.

Rimwe dambudziko nderekuti dzimwe nguva kana mudzimai uyu akapihwa ivhu, hama dzemushakabvu dzinomushungurudza nenzira dzinoita kuti asiyane nazvo.

Vamwe vanhukadzi vakangwara vanopedzisira vatsvaga magwaro edziviriro kumatare edzimhosva.

Chinyorwa chino chichatsanangura kodzero yevanhukadzi kuivhu, kunyanya takatarisana nemapurazi akagariswa vanhu pasi pechirongwa chekugova ivhu patsva.

Chimwe chezvinangwa zvenyika sezviri mubumbiro remutemo ndechekuti vanhukadzi vave nekodzero yekuwana ivhu.

Section 17 1(c) yebumbiro remutemo inoti “mapoka nezvikamu zvose zveHurumende pazvidanho zvose zvinofanira kutora matanho ekuona kuti vanhukadzi vawana zviwanikwa, kusanganisira ivhu zvakaenzana nevanhurume.”

Statutory instrument 53/2014 of Agricultural Land Settlement (Permit Terms and Conditions) Regulations, inotsigira zviri mubumbiro remutemo iri nekutsanangura kodzero dzevanhu vakaroorana maringe nevhu kana takatarisa nyaya yemapurazi akagariswa vanhu patsva neHurumende.

S I 53 of 2014 inopa kodzero kuvanhukadzi pamusoro pevhu nekuti nderavo vose pamwe chete newavange vari muwanano naye.

Section 10 of the S I inoti vakaroorana vose vane kodzero yakaenzana pamusoro pevhu.

Izvi zvakafanana nemadzimai ari pabarika anenge akanyoreswa sevene vevhu avo vanenge vaine kodzero dzakaenzana. Kana murume aine mudzimai mumwe chete, ozoroora mumwe anogona kumunyoresa zvakare kuti ave mwene wevhu wemunda kana purazi raanenge akawana achiri nemudzimai wekutanga asi anofanira kutanga awirirana navahosi.

Zvakakosha kuziva kuti izvi zvinoitwa chete kune vari pabarika kwete kuti murume asina barika anozotora shamwarikadzi dzake kuti dzive vene vevhu.

Mumwe ari muwanano anokwanisa here kutora nhaka yevhu rakawanikwa kuburikidza nechirongwa chekugova minda patsva?

Kana pachinge paitika rufu, anenge asara muwanano ndiye anotora nhaka yevhu. Kana ari murume aive nebarika anenge afa, vakadzi vake vasara ndivo vanove vene vevhu iro vanogovaniswa zvakaenzana.

Zvakakosha kuziva kuti nyaya yewanano hairevi chete avo vanenge vakachata kana kuroorana zviri pamutemo, asi kuti kunyangwe vakawanana pachivanhu.

Izvi zvinokudzwa zvikuru nekuti vanhu vakawanda muZimbabwe havana kunyoresa wanano dzavo zviri pamutemo. Chii chinoitika kuivhu kana murume nemukadzi vakarambana?

Pasi pemutemo weSection 14 (1) ye SI 53 of 2014 kurambana hakuite kuti mudzimai asave mwene wevhu kunze kwekunge vawirirana kuti mumwe atenge chikamu kana kuti masheya emumwe maringe nezvinenge zvakaitwa paivhu iri zvakaita sezvivakwa.

Sezvo ivhu riri reHurumende, chinobhadharwa kune mumwe ndeizvo anenge akaita mukuvandudza purazi kana munda uyu kwete kubhadhara ivhu iri.

Kana paita kusanzwisisana pamusoro pekuti achave mwene wevhu mushure mekunge murume nemukadzi varambana nyaya iyi inoendeswa kuti vanoyananiswa kumatare edzimhosva pasi pemutemo weLabour Act. Statutory instrument 53 of 2014 yakawedzera kodzero dzevanhukadzi kuivhu, zvikuru mushure mekurambana nemurume kana kuti pachinge paitika rufu. Zvisinei, dambudziko riri pakuti murume nemukadzi vakwanise kugara papurazi kana munda mumwe chete kana vachinge varambana, zvikuru pasina kuwirirana.

Izvi zvinoita kuti dzimwe nguva munhu ashaye zvekuita ozopedzisira obhadharwa hake pane zvaanenge akashandisa mukuvandudza purazi kana munda uyu kuitira kuti mumwe wavo ave iye mwene wevhu iri.

◆ Kana muine mibvunzo kana kuti zvimwe zvamunoda kuziva sunungukai kutumira padandemutande rinoti @[email protected] kana paWhatsApp nhamba inoti 0777 828 201.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey