Kohwai mvura: ZCFU

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Kohwai mvura: ZCFU

Kwayedza

VARIMI vari kukurudzirwa kuti vange vachikohwa mvura kuburikidza nenzira dzakasiyana dzakadai sekuchengetedza mvura mumadhamu madiki nemakuru uye kuti vadzivirire kuguravhu.

Kurudziro iyi yakaitwa nemutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU), VaWonder Chabikwa, zvichitevera mvura iri kunaya zvikuru mwaka uno.

“Kuuya kwemvura yakawanda kudai vanhu vanogona kukushora asi kwakakosha zvikuru nekuti chiitiko chakadai chakapedzisira kuitika mugore ra1999.

“Mvura zvairi kunaya kudai, haifaniri kuregerwa ichingoyerera ichienda kumakungwa asi kuti inofanira kuchengetedzwa kuburikidza nekushandisa nzira dzakasiyana dzekukohwa mvura. Dzimwe dzenzira idzi dzinosanganisira kuvakurudzwa kwemadhamu kuti asarase mvura kunyangwe madhamu madiki tinokurudzira kuti avakwe zvakanaka kuti asatsemuka nekuti zvinobatsira mukuderedza huwandu hwemvura iri kuyeredzwa zvisina tsarukano,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti varimi havafaniri kurima pedyo nenzizi sezvo zvichiita kuti dzizare majecha ayo anoita dzikundikane kuchengetedza mvura yakakwana.

“Imwe nzira yetatu ndeye kuchengetedzwa kwematoro kana kuti mapani.

“Matoro inzvimbo dzakakosha kwazvo nekuti dzinochengetedza mvura iyo inozobatsira kuti zvibhorani, nzizi nemadhamu ange achiwana mvura munguva yekupisa.

“Saka mumatoro hamufaniri kurimwa kana kuiswa zvivakwa nekuti zvinokanganisa kuchengetedzwa kwemvura,” vanodaro VaChabikwa.

Vanotsanangurawo nezvenzira dzakasiyana dzingaitwe nevarimi mukuisa fetereza muzvirimwa, zvikuru sei munguva ino yekunaya kwemvura yakawanda.

“Mvura iri kunaya yakawanda zvikuru zvekuti varimi vazhinji vari kuchema-chema nenhau yekurasikirwa kwavari kuitwa nefetereza iyo iri kuyeredzwa kana kunyukurwa nemvura.

“Tiri kukurudzira varimi kuti vaite inonzi ‘split fertilizer application’ kunova kuiswa kwefetereza muzvirimwa muzvikamu zvakatsaukana.

“Sekuti murimi anogona kutenga fetereza yake yeUS$300 asi haafaniri kuisa yese mumunda, anogona kuisa katatu pasvondo kuti asarasikirwe uye achitarisawo mamiriro anenge akaita denga. Zvakakosha kumirira kuti kunze kutange kwambodziya uye fetereza yemhando yeUrea neAmmonium Nitrate ndiyo yakakosha munguva yekunaya kwemvura,” vanodaro.

Vanotiwo varimi vanofanirwa kuchengetedza utano hwezvipfuyo zvavo nekuona kuti mumatanga azvo hamuna  hunyoro.

“Zvipfuyo zvakadai semombe, mbudzi, hwai, huku nezvimwe zvinofanira kuchengetedzwa mumatanga akachena uye akaoma kuitira kuti zvisabatwe nezvirwere  sezvinokonzerwa nezvikwekwe zvatinoti tick borne diseases.

“Tinokurudzirawo varimi kuti vadhibhise zvipfuyo zvavo kaviri pasvondo nekuti kana kuchinaya mishonga inokasika kushaya simba,” vanodaro VaChabikwa.

 

Share This:

Sponsored Links