Uncategorized

Kombi iri kuti ‘ndaneta’

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Kombi iri kuti ‘ndaneta’ kombi inotaura

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MBAVHA nhanhatu idzo dzaida kugujunura mapatsi ekombi iri pedyo nerimwe garaji mumugwagwa weHarare-Bulawayo pedyo nemusha weKuwadzana Extension dzinonzi dzakazorova bara dzotiza mushure mekunge dzarohwa zvakaomarara nezvinhu zvadzisina kuona kunze kwekungonzwa mazwi evanhu aibva mumota iyi.

Izvi zvinonzi zvakaitika nguva ichangodarika apo mbavha idzi dzinonzi dzaida kuba mapatsi emotokari yekombi iyo yave nenguva yakangopakwa padivi pemugwagwa uyu.

Epison Chiware

Kombi iyi – yerudzi rweFord – iri kunzi yakangosiiwa nemutyairi wayo nakondakita apo yaive yakatakura vanhu ichienda kuKadoma. Vanotaura vanoti izvi zvakaitika apo mota iyi yakatanga kutaura ichiti yaiva yaneta zvakakonzera kuti vose vaivemo vatize.

Epison Chiware (27), uyo anogara padyo nenzvimbo iyi, anotsinhira nyaya yekurohwa kwembavha dzaida kuba nevanhu vavaisaona uyewo nekuti kombi iyi yaitaura.

“Ichokwadi, isu takafuma rungwanani tichinzwa kuti mbavha dzarikitwa nevanhu vadzisina kuona apo dzaida kuba zvinhu nemasimbi pakombi iyi. Vanonzi vakarohwa uye vamwe vakatonzwikwa kuchema asi vanhu vaivarova vaisavaona,” anodaro.

Anoti kombi iyi inonzi yakangotanga kutaura apo yaiva yakatakura vanhu ichiti yaneta.

“Mutyairi wekombi, kondakita nevanhu vainge vakatakurwa vanonzi vakapoya nemumahwindo apo motokari iyi yakatanga kutura befu ichiti, ‘Yuhwi, yuhwi kani mhai! Ndaneta vakomana chimbondizorodzai.’ Kubva ipapo yakasiiwa yakadaro, hapana akazoibata kunze kwematsotsi akarikitwa aya,” anodaro Chiware.

Muridzi wekombi iyi anonzi akambouya kamwe chete akaedza kubvisa vhiri rekumashure rekuruboshwe asi akazobvapo otiza.

“Muridzi wekombi iyi anonzi akauya akasunungura vhiri rekumashure rekuruboshwe ndokuendesa vhiri iri mune imwe motokari yaaive nayo asi paakadzoka kechipiri akazoonekwa achimhanya achibva pamotokari iyi,” anodaro Chiware.

Vatori venhau pavakasvika pakombi iyi vachitenderera pairi, vamwe vashandi vekumakombi vaingodarika vachishevedzera vachiti vabvepo nekutyira kuti vangazorohwa nezvinhu zvisingaonekwe.

Chiware anoti makororo aida kuba zvinhu mumotokari iyi anonzi akatiza akananga kumabhawa ekuWhite House , chinhambwe chipfupi kubva paimire.

“Mbavha idzi dzinonzi dzakazonzwikwa kumabhawa ekuWhite House dzichiti dzainge dzaigochera pahutsi, uye idzi imbavha dzinozivikanwa muno,” anodaro Chiware.

Anoti vanhu vanotoita zvekunyenyeredza motokari inonzi yakachengetedzwa nezvidhoma iyi uye vamwewo vachiti husiku pari kuonekwa magoritoto kana kuti madzangaradzimu.

Kwayedza payakasvika pakombi iyi yakawanawo VaTapiwa Mutero (40), vanove mushandi wepachikoro cheKuwadzana 8 Primary, vachitenderera payaive vachiti vakanga vataurirwa nemumwe wavanoshanda naye kuti inotaura.

“Nyaya yekombi iyi yanetsa, kuchikoro kwedu zvakazara kuti iri kurova vanhu nekutaura. Inonzi yakarikita matsotsi akamhanya zvakaomarara,” vanodaro VaMutero.

Ellington Samanga

VaEllington Samanga (30) – avo vanonyanya kuzivikanwa nekuti Rasta vachishanda pagaraji riri pedyo nepane kombi iyi – vanotiwo nyaya yekuti pane mbavha dzakarohwa dzichida kuba pakombi iyi manyepo.

“Zvose izvi manyepo, isu tinoshanda pagaraji iri, mota iyi yakangosiiwa apo yaidhonzwa – haina kuzombofamba. Vana vechikoro vanouya vachitambirapo, hamuna redhiyo kana injini,” vanodaro.

Zvisinei nemashoko avo, VaSamanga pavakadhonzerwa kukombi iyi nemutori wenhau uno vachinzi vanoibata kuratidza kuti hapana zvinoitika pairi, vakaridza mhere vachiramba kusvika pedyo nayo nekutya.

“Aiwa, iwe ndisiye! Handidi kuibata, enda iwe unobata ini handidi. Unoda kundikuvadzisa, ndezve mishonga izvi,” vanodaro.

Vatori venhau veKwayedza pavakasvika padyo nekombi iyi vakatarisa mukati mayo apo pasina chakaitika kwavari.

Nguva yadarika kuMt Hampden mumugwagwa unobatanidza Harare neChinhoyi, kune imwezve motokari yakapedza nguva refu iri padivi pemugwagwa iyo yainzi yaitaura nekurova vanhu.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekutsvagurudza zvizere panyaya yekombi inonzi iri kutaura iyi.

“Inyaya inoda kutsvagiwa chaizvo zvakaitika. Panogona kunge paine humbavha nechitsotsi chiripo pakombi iyi. Dzimwe nguva yakabiwa,” vanodaro Chief Supt Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>