Korfball Under-23 hutu Joni

22 May, 2015 - 00:05 0 Views
Korfball Under-23 hutu Joni

Kwayedza

CHIKWATA cheZimbabwe Korfball chemuboka reUnder-23 chiri mushishi kuita gadziriro dzekuenda kunokwikwidza kumutambo weKorfball Under-23 African Championships kuSouth Africa muna Chikunguru.

Mutambo uyu uchatambwa kutanga musi wa8 Chikunguru uchizopera musi wa11.

Zvikwata zvisere zvinotarisirwa kuzokwikwidza apo pachaona shasha dzichihwiniswa tikiti rekuenda kumakwishu eInternational Korfball Federation World Cup gore rinotevera.

Zvakadaro, World Cup yemaUnder-23 haisati yave kuzivikanwa kuti ichatambirwa kupi gore rinotevera sezvo nyika mbiri dzinoti Netherlands neBelgium dzose dzakabuda pachena kuti dzinoda kuti mutambo uyu ugotambirwa kunyika kwadzo.

Mutungamiriri weZimbabwe Korfball Federation, Tarirai Chadebah, anoti chikwata chavo chiri kugadzirira zvakasimba mutambo uyu.

“Tiri kutobata basa sebasa nekuti tiri kuda kutora menduru yegoridhe chete apo tichaenda kunokwikwidza kuSouth Africa.

“Tine mukana wekunokwikwidza kumutambo weWorld Cup gore rinotevera saka tichanorwa semvumba asi tinoziva kuti zvichange zvisiri nyore.

“Tiri kusangana svondo rega-rega tichiumba chikwata chedu zvakasimba. Takambopinda mukembi kare tikabuda apa tinotarisira kuzosangana kekupedzisira musi wa30 Chikumi apo tichapinda mukembi kekupedzisira tisati taenda kumutambo uyu,” akadaro Chadebah.

Kunze kweZimbabwe, mutambo uyu uchange uine zvimwe zvikwata zvakaita seSouth Africa, Malawi, Botswana, Zambia neNamibia. Parizvino hazvisati zvave kuzivikanwa kuti Ghana neIvory Coast dzichabudirira kukwikwidzawo here.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>