Uncategorized

‘Koshesai dzidzo yevana’

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
‘Koshesai dzidzo yevana’

Kwayedza

Abel Ndooka —
VABEREKI vari kukurudzirwa kukoshesa fundo yevana vavo pamwe nekuvarovedzera kuhunhu hunoyemurika kuitira kuti vave neremangwana rakanaka sezvo vamwe vachizopedzisira votora zvinodhaka nekuda kwekushaya dzidziso yakasimba.

Kurudziro iyi yakaitwa naApostle Tinaye Bvumbe veGood News Ministries International svondo radarika pamabiko eSpeech and Prize Giving Day pachikoro cheVibrant Boomz Academy, kuKadoma.

Apostle Bvumbe – avo vaive muyenzi anoremekedzwa – vanoti kune vamwe vabereki vasingakoshese dzidzo yevana vavo izvo zvinoita kuti vatadze kuenda kuchikoro, voswera vachitora zvinodhaka sekuputa mbanje.

Vanoti kana mwana akasanodzidza nevamwe, anofuririka zvenhando nyore.

“Vabereki tikasashanda kuti tiendese vana vedu kuzvikoro, hapana zvatinenge taita nekuti vakaswera vakangogara ndipo pavanosvika pakufuririka vopedzisira vave kutora zvinodhaka. Bhadharirai vana mari yefizi vaende kuchikoro uye kurudziraiwo hunhu hwakanaka mavari,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya yemari tinoziva kuti idambudziko riri kumunhu wese, asi kurudziro yandinokupai ndeyekuti endai kuzvikoro munokumbira kana kushanda mamwe mabasa pachikoro ipapo kuti mwana wako awane kudzidza nekuti fundo ndiyo ichabatsira mwana wako kuti awane upenyu hwakanaka uye azokuchengeta mangwana. Mukasaita izvozvo mwana akangoswera akagara achatotanga kuita zvembanje uye vasikana chaivo unogona kutoona ave nepamuviri.”

Share This:

Sponsored Links