Uncategorized

‘Koshesai kodzero dzevakaremara’

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
‘Koshesai kodzero dzevakaremara’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO rinomirira vabereki vane vana vakaremara mitezo, reZimbabwe Parents of the Handicapped Children Association, rinoti zvakakosha kusimudzira upenyu hwevana ava kuitira kuti vawane raramo yakaenzana nevamwe vavo vane mitezo yakakwana.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevabereki vane vana vakaremara muHarare svondo rapera, Mai Chipo Mushininga, vanove mukuru weZPHCA, vanoti vana vakaremara kazvhinji vanosangana nerusarura mukurarama kwavo.

“Tine madzimai anodarika 1 000 vane vana vakaremara muboka redu avo vane zvichemo zvakasiyana zvatinoda kuti zvigadziriswe kuti upenyu hwavo hunge huchifamba zvakanaka,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinotarisa nyaya dzakadai sedzidzo, kuwaniswa kweminda nepekugara kuvanhukadzi, kubviswa kwerusarura, kushambidzika kwenharaunda, utano nechengetedzo, ruzivo rwechizvino-zvino, rutsigiro rwemari, nyaya dzezvekufambisa uye kuwaniswa rutsigiro rweHurumende nemamwe masangano. Zvese izvi, zvinobatsira mukushandura upenyu hwemwana akaremara.”

Mashoko avo anotsinhirwa nemurongi kusangano iri, Theresa Makwara achiti dambudziko rekushaya pekugara pakati tsvetere ndiro guru kuvabereki vane vana vakaremara.

“Madzimai mazhinji ane vana vakaremara vanonetseka pekugara kunyangwe pekuroja chaipo nekuti vanotarisana nenyaya dzerusarura. Vamwe vanonyimwa pekugara nekuti vanenge vaine vana vakaremara vachisemwa saka tinoda kushanda nemakanzuru kuti tione kuti madzimai ane vana vakaremara vawaniswawo minda yekurima nepekugara pakanaka,” anodaro.

Mai Josephina Mudirira (54), vekuMbare, vanoti vane mwanasikana akaremara uyo ava nemakore 33 ekuberekwa.

“Mwana wangu ane cerebral paalsy iyo yakandakamusununguka ainayo. Pandakasununguka, ndakarasikirwa neropa nechemukati, izvo zvakaita kuti tsinga dzemumusoro memwana dzipinde ropa raibva mandiri ndichibva ndamusununguka aine dambudziko renjere,” vanodaro.

Vanotenda rubatsiro rwavari kuwaniswa nesangano reZPHCA ku- bvira mugore ra1988.

“KuZPHCA ndakawana mukana wekusangana nemamwe madzimai ane matambudziko akafanana nerangu saka zvinondinyevenutsa mupfungwa nekuti ndava kuziva kuti handisini ndega,” vanodaro.

Mai Elizabeth Mabare (44), vanogara kuEyecourt, kuChitungwiza vanoti vane mwanasikana akaremara nenzira yekuti ane musoro unoramba uchikura nekuda kwemvura inozara mutsinga dzemumusoro wake.

“Mwana wangu ane dambudziko rehydrocephalous apo musoro wake unoramba uchikura pashoma nepashoma.

“Ndiye mwana wedangwe. Dambudziko iri rava kuita kuti arwadziwe musana nekuti muviri wake wava kuremerwa. Anoshandisa mapamper uye semunhu ava kutevera, anoda zvakare sanitary ware kuti ave munhu akashambidzika.

“Parizvino tsinga inobudisa mvura mumusoro yakavharwa kuHarare Central Hospital asi musoro wakasara wakakura zvisinei nekuti hauchatepfenyeki sezvawaiita kare.”

Vamwe vabereki vakakurukurwa navo neKwayedza vanoti dzimba dzavo dzakapara nekuda kwekuremara kwevana zvichitevera kushaya ruzivo nehanya, zvikuru kuvanhurume.

Memory Charumbira (21), uyo akaremara mitezo ari zvakare youth president weZPHCA, anoti vechidiki vakaremara havafanire kuzvitarisira pasi.

“Vana vakaremara vanofanira kusimudzirwa munyaya dzedzidzo uye hatidi rusarura kuvanhu vakaremara mune zvese zvine chekuita nebudiriro yavo mungava mumabasa, muwanano, kana mukuwaniswa zvigaro zvepamusoro,” anodaro.

Chikamu cheSection 83 chebumbiro remutemo reZimbabwe chinocherechedza kodzero dzevakaremara.

Kushaiswa kwekodzero dzedzidzo, zvivakwa zvinoenderana nevakaremara, nyaya dzeutano, kudya kune utano uye chengetedzo yemutemo yakaenzana kutyorwa kwekodzero dzavo pasi pechisungo cheConvention on the Rights of Persons with Disabilities 2006.

Share This:

Sponsored Links