‘Koshesai mitambo, mabasa emawoko’

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views
‘Koshesai mitambo, mabasa emawoko’ file pic

Kwayedza

file pic

file pic

VANA vechikoro pamwe nevadzidzisi vari kukurudzirwa kuti vakoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko nemitambo sezvo izvi zvichizokwanisa kuti vawane raramo mune remangwana ravo. Kurudziro iyi yakaitwa nevakafanobata chigaro chemukuru wezvedzidzo (Provincial Education Director) muHarare, VaEdward Shumba, kuBudiriro High 1 svondo rapera pakupihwa mibairo kwezvikoro, vana nevadzidzisi vakakunda mune zvedzidzo nemitambo mudunhu reMufakose-Glen Veiw.

VaShumba vakati vadzidzisi vanofanirwa kutevedza gwaro redzidzo, rePolicy Circular No 77, iro rinokurudzira kudzidziswa kwevana zvakazara.“Gwaro iri rinoti vana vechikoro vanofanirwa kudzidza zvemabhuku, mitambo pamwe nemabasa emawoko sezviri mugwaro reNziramasanga Commission. Vana vanofanirwa kukura vaine ruzivo rwemabasa emawoko akasiyana-siyana kuitira kuti vazokwanisa kuzviitira mabasa mukurarama kwavo,” vakadaro VaShumba.

Vakati vana nevadzidzisi vanofanira kuti vakoshesewo nekufarira zvidzidzo zvakaita seMathematics, Science nemaComputers.

“Zvidzidzo izvi zvinofanirwa kuitwa nevasikana zvakare pasava nerusarura. Zvimwe zvidzidzo zvakaita seAgriculture zvava kutangira kumagwaro epuraimari nekuti izvi zvinotipa varimi vemangwana zvakarewo zvichienderana nechirongwa cheZim-Asset sezvo varimi vari ivo vanosimudzira upfumi hwenyika,” vakadaro VaShumba.

Makambani akakotsvera chirongwa ichi anosanganisira Zimpapers, iyo inodhinda bepanhau reKwayedza nemamwe; First Pack, Enbee, Printflow, Nyaradzo, Inscor, Kindom/Afrasia neZTV.

Zimpapers, kuburikidza neKwayedza, yakapa mibairo kune vana vechikoro vemagwaro ose avo vakabudirira muzvidzidzo zveShona pamwe nevadzidzisi vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey