‘Koshesai mitambo muzvikoro’

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views
‘Koshesai mitambo muzvikoro’

Kwayedza

ZVIKORO zvakakurudzirwa kuti zvikoshese mitambo yakaita senhabvu, netball pamwe nevolleyball sezvo vamwe vana vane matarenda vachizokwanisa kuwana raramo kubva mairi mune remangwana.

Kurudziro iyi yakaitwa naprovincial sports coordinator weMashonaland East kubazi remitambo, tsika nemagariro, Tellmore Chibanda, zvichitevera makwikwi emitambo ezvikoro akaitwa nguva pfupi yadarika kuMutoko High.

Makwikwi aya akapindwa nemapurovhinzi anosanganisira Harare, Mashonaland East , Mashonaland Central neMidlands iyo yakawana menduru dzakawanda kudarika mamwe matunhu.

“Zvakakosha kuti vechidiki vadzidzire mitambo iyi vachiri kuchikoro nekuti ndivo vachamiririra nyika mune remangwana mumitambo yakasiyana.

“Mitambo yakaita sevolleyball, tennis, cricket, golf, hockey inofanirwa kuitwawo muzvikoro zvekumaruwa,” akadaro.

Anoti chirongwa chekusimudzira mitambo iyi chiri kutsigirwa nesangano reSports and Recreation Commission rakabatana nereYouth Education Through Sport (Yes Programme).

“Imwe nhau yakakosha ndeye kusimudzira vanasikana nekuvapa mukana mune zvemitambo yakaita senhabvu,” akadaro Chibanda.

Zvakadaro, anoti kunze kwemitambo vana vechikoro vanofanira kunge vachirodzwawo njere dzavo kuburikidza nezvirongwa zvakaita semakwizi.

“Muzvirongwa zvekwizi vana vanodzidziswa zvakasiyana zvakaita sekuchengetedza utano hwavo, kodzero dzavo pamwe netsika nemagariro,” akadaro Chibanda.

“Tine masangano atinoshanda nawo achibatsira vana anosanganisira Childline nePlan International Zimbabwe mukuchengetedza kodzero dzevana,” akadaro Chibanda.

Share This:

Sponsored Links