‘Koshesai mitauro yemuno’

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘Koshesai mitauro yemuno’ Lazarus Sauti

Kwayedza

Daphne Machiri
MUNYORI wemabhuku achiri kusimukira, Lazarus Sauti, anoti zvakakosha kuti veruzhinji vakoshese tsika nemagariro pamwe nemitauro yemuZimbabwe.

Muhurukuro neKwayedza, Sauti anoti akatanga kunyora mabhuku nedonzvo rekusimudzira rurimi rwaamai.

“Mitauro yedu yemuno iri kufa nekuti vanhu vazhinji havachina hanya nekuitaura, kuinyora, kuiverenga kana kuichengetedza. Izvi ndizvo zvakandituma kuti ndinyore bhuku rangu rinonzi ‘Nei?” anodaro. Anoti bhuku rake musanganiswa wenhetembo nenyaya pfupi uye riri pamusoro pezvinhu zvakawanda zvinoitika mumagariro evanhu.

“Nei? ibhuku rine nhetembo makumi maviri nenomwe pamwe chete nenyaya pfupi shanu. Rinodonongodza zviri kuitika munyika yedu,” anodaro. Upenyu hwemunhu huzere mibvunzo saka imwe neimwe nhetembo mubvunzo kunyika nevanhu zvinova zvimwe chete nenyaya pfupi dziri mubhuku iri,” anodaro Sauti.

Bhuku rake, anodaro Sauti, riripo zvakare pakudzidzisa vanhu kuti vasaite zvinhu zvinovasiya vari mumatambudziko.

“Pane zvinhu zvakawanda zviri kuitwa nevanhu mazuva ano zvinovasiya vari munjodzi. Vamwe vari kufarira kuita huori zviri kuita kuti vapedzisire vasungwa uye vamwe vari kupinda-pinda zviri kukonzeresa zvirwere zvepabonde. Saka bhuku iri riripo kubvunza kuti nei vanhu vari kuda kuita zvinhu zvinovasiya vava mumatambudziko anozovanetsa pamwe nemhuri dzavo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti nyaya yemabhidhiri yevamwe vanhu vari kutengwa nemaporofita nen’anga kuti vapupure zvemanyepo yakamutuma kunyora nhetembo inonzi Hii!

“Vamwe vanhu vari kubhadharwa kuti vapupure manyepo nen’anga nemaporofita. Munyaya pfupi inonzi ‘Ndaibhadharirwa Kufambisa Minana’ tinoona Muzvare Delight Munjanja achipupura kuti mamwe maporofita ari kushandisa mari kuti vanhu vapupure zvemanyepo. Chinangwa chemaporofita aya kutsvaga mbiri yepano pasi chete,” anodaro Sauti.

“Bhuku iri rinotsanangura zvakare kuraswa kwave kuitwa tsika nechivanhu chedu isu vechitema mazuva ano,” anodaro.

Muchinda uyu anokurudzirawo vamwe vanyori vemabhuku pamwe chete nevemitambo kuti vakoshese mitauro yemuZimbabwe inocherechedzwa mubumbiro remutemo wenyika iyo inosanganisira Shona, Ndebele, Chewa, Chibarwe, Kalanga, Koisan, Venda, Nambya, Shangani, Tonga neNdau.

“Mutauro waamai inhaka isingaperi, unotakura nekuchengetedza tsika dzedu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey