‘Koshesai nhau dzehiv neaids’

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

MASANGANO enhau anokurudzirwa kuti akoshese kuburitsa nyaya dzine chekuita nekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV nedenda reAIDS uye nenzira inoita kuti pasave nerusarura kune avo vari kurarama nedenda iri.Kurudziro iyi yakaitwa nemutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Cde Aldrin Musiiwa, apo vaitaura nevapepeti venhau pamusangano wakarongwa nesangano reNational Aids Council (NAC) kuChinhoyi svondo rapera.

Cde Musiiwa

Cde Musiiwa

Musangano uyu waive nechinangwa chekuvandudza ruzivo rwevapepeti venhau pamusoro peHIV neAIDS.

Cde Musiiwa vanoti masangano enhau ane basa guru sezvo ari iwo anofambisa mashoko kuti asvike kune veruzhinji.

“Bazi redu rinoona masangano enhau senhengo dzakakosha dzekubatana nadzo, kwete mukurwisa kupararira kweutachiona hweHIV neAIDS chete, asi mukusimudzira nyaya dzose dzeutano munyika,” vanodaro.

“Nekudaro, zvakakosha kuti nguva nenguva tive tinosangana kuitira kuti tipanane mazano tichivandudza ruzivo rwedu pamusoro pekurwisa HIV neAIDS nedzimwe nyaya dzine chekuita neutano.”

Vanoti chishuwo chemapoka ose ari kubatsirana kurwisa denda iri pasi rose ndechekuti pasave nekutapurirwa kweutachiona hutsva panosvika gore ra2030.

Cde Musiiwa vanoti zvakakoshawo kuti masangano enhau paanoburitsa nyaya dziri pamusoro peHIV neAIDS ashandise mitauro isingazoita kuti avo vanorarama nechirwere ichi vapedzisire vave kutarisirwa pasi kana kusarurwa nevamwe munharaunda dzavanogara.

Vanotizve nhau dzinoburitswa dzinofanirwa kuve dzinobatsira kuti veruzhinji vawane ruzivo ruzere pamusoro pedenda iri uye kuti vave vanozvibata pamwe nekuzvichengetedza panyaya dzepabonde.

“Kuti izvi zviitike, mupepeti wenhau anofanira kuve neruzivo rwakadzama. Semunhu akadzidzira basa rake uye seindasitiri, munofanira kuramba muine chido chekuburitsa nhau dziri pamusoro peHIV neAIDS, muchigara muchitsvaga zvitsva pamusoro pedenda iri,” vanodaro Cde Musiiwa.

Kunze kwaizvozvo, vanodaro Cde Musiiwa, vapepeti venhau vanofanira kuve neruzivo nemagwaro ose pamwe nemitemo ine chekuita neHIV neAIDS.

Achitaurawo pachiitiko ichi, Beatrice Tonhodzayi, uyo anove mutevedzeri wasachigaro webhodhi reNAC, anoti donzvo ravo ndere kudzikisa kupararira kweutachiona hweHIV kune vechidiki nevanhu vakuru nechikamu che50% kubva pavanhu 48 774 muna 2014 kusvika pa24 387 pakupera kwegore rino,” anodaro.

Anoti mukutsigira zvirongwa izvi munharaunda dzakasiyana, NAC iri kushandisa mari inosvika $5 miriyoni pagore mukurwisa dambudziko iri.

Tonhodzayi anoti masangano enhau ane basa guru rekubatana neNAC mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS.

Dr Magure

Dr Magure

Mashoko ake akatsinhirwa nachamangwiza weNAC, Dr Tapuwa Magure, vachiti chishuwo chavo ndechekuti varambe vakabatana nemasangano enhau mukurwisa kupararira kweHIV neAids kuitira kuti panosvika gore ra2030 panenge pasisina kutapurirana utachiona hutsva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>