‘Koshesai vanorarama nehusope’

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
‘Koshesai vanorarama nehusope’ VAMWE vaive pagungano rekupemberera zuva rekucherechedza vanhu vanorarama nehusope, reWorld Albino Day, muguta reHarare svondo rapera. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

VAMWE vaive pagungano rekupemberera zuva rekucherechedza vanhu vanorarama nehusope, reWorld Albino Day, muguta reHarare svondo rapera. — Mufananidzo: Memory Mangombe

VAMWE vaive pagungano rekupemberera zuva rekucherechedza vanhu vanorarama nehusope, reWorld Albino Day, muguta reHarare svondo rapera. — Mufananidzo: Memory Mangombe

VANHU vanorarama nehusope svondo rapera vakapemberera zuva reWorld Albino Day paine kurudziro yekuti Hurumende nemasangano akazvipira vabatane mukurwisa nyaya dzekuvasarura nekusimudzira utano hwavo.Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Loveness Mainato, avo vanove mukuru wesangano reAlbino Charity Organisation of Zimbabwe vanoti vamwe vanhu vanorarama nehusope, zvikuru kunyika dzakadai seTanzania neMalawi, vari kugara vakabatira hana mumawoko nekutya kuurayiwa nevanoita zvemishonga yekuchekeresa.

“Tine vanhu vari kurarama nehusope vari kunyika idzi uko vari kushanda uye vamwe vari muno vari kutotya kushanyira nyika dzakadai nekutya kuurayiwa nekuti kune vamwe vanoita zvemishonga vachinyeperwa nen’anga kuti mitezo yemiviri yemasope inoitisa maraki kana kuvandudza mabhizimusi avo.

“Saka vanhu vari kurarama nehusope vari panguva yakaoma uye vamwe vanotofunga kuti dambudziko iri rinogona kupinda muno,” vanodaro Mai Mainato.

Gore rapera, vanhu vanodarika 89 vairarama nehusope vanonzi vakaurayiwa kuTanzania nevanhu vanofungirwa kuti vanoita zvehun’anga uye pane fungidziro huru yekuti mitezo yemiviri yavo iri kushandiswa mumabasa emushonga.

Mai Mainato vanoti madzimai nevanasikana vari kurarama nehusope vari panyatwa yekubatwa chibharo nevamwe vane utachiona hweHIV avo vanenge vaine fungidziro yekuti vanobva vatorapiwa kubva kuutachiona uhwu.

“Kurarama nehusope kuri kurwadza nekuti mikana yekutapurirwa utachiona hweHIV mizhinji. Vamwe vanhu vari kurarama neHIV vari kubata masope chibharo vachifunga kuti zvinoita kuti vapore kubva padenda iri.

“Tinoda kuti dzidziso maringe neutano uye kuchengetedzwa kwemasope inge ichitekeshera nekuti HIV haisati yave nemushonga, musope haarape HIV,” vanodaro.

Mai Mainato vanoti vanhu vanorarama nehusope vari kusangana zvakare nerusarura sezvo ivo vakatombogara muchipatara nekuda kwekushungurudzwa nemurume mushure mekubara vana vaviri vane husope.

“Ndakasangana nenyaya dzerusarura uye kushungurudzika mupfungwa mushure mekubara vana vane husope apo murume akange achiti mashura kuzvara vana vakadai achibva atonditiza achienda kunogara kuBotswana. Ndakazowaniswa mazano ekuti pfungwa dzangu dzigadzikane ndichibva ndaumba sangano reALCOZ iro rine chinangwa chekubatsira vanhu vanorarama nehusope,” vanodaro.

Vanotenda zvikuru vatsigiri vanosanganisira mabhanga eStanbic neBanABC Bank nekubatsira vanorarama nehusope nemafuta anotanda zuva (sunscreen lotion), michina yekusona nemamwe mabhindauko anovapundutsa.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, VaNesbert Mudzviti, vanove murongi kusangano reZimbabwe Albino Association (ZIMAS) vanoti vanhu vanodarika 39 000 muZimbabwe vari kurarama nehusope. Vanoti huwandu uhu hwakaziviswa kubva paongororo yakaitwa kuburikidza negwaro reLiving conditions among people with disability key findings report – 2013.

Vamwe vanhu vanorarama nehusope vaive pachiitiko ichi, vaichema-chema nenyaya yekushaya rutsigiro rwakakwana apo vanenge vachida kurapwa chirwere chegomarara reganda.

Vanoti vanoda mafuta, nguwani nemagirazi anotanda zuva kumiviri yavo, zvikuru panguva yekupisa.

Vanotizve vazhinji vavo vanobatwa nechirwere chegomarara reganda asi kuzvipatara kwacho hakuna michina yakawanda yekuvheneka uye mishonga neongororo yegomarara zvinodhura.

Dr Anderson Chimusoro, avo vanove national professional officer kusangano reWorld Health Organisation, vanoti vanhu vanorarama nehusope vanowirwa nematambudziko emaziso apo anenge asingaone zvakanaka, kungorasikirwa neropa kana zvirwere zveitsvo.

Mumashoko avo ekucherechedza zuva iri, United Nations Secretary-General Ban Ki-moon, vanoti rusarura kuvanhu vanorarama nehusope rwakatekeshera pasi rose.

Vanoti nekuda kwerusarura nekusemwa uku, vanorarama nehusope kune dzimwe nyika vanotambura zvikuru vasina pekugara, utano nedzidzo.

Share This:

Sponsored Links