Koshesai vechidiki: Bunjira

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Koshesai vechidiki: Bunjira

Kwayedza

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu, Alois Bunjira, anoti nhabvu yemuno inobudirira chete kana pakave nekukosheswa kwekusimudzira vechidiki izvo zvinobatsira mune ramangwana.
Anoti zvakakosha kuti pave nemapoka anosimudzira nhabvu (soccer academy) sezvo ariwo anobatsira mukuvaka tarenda revatambi vechidiki kusvikira vave kutamba zvemhando yepamusoro.

“Chinhu chiri kukwadza nhabvu yemuno kutaura chokwadi kutadza kuvaka zvikwata zvevadiki.

“Ndinoona sekunge imhosva yevanotungamira zvikwata zvizhinji, havana basa nekuvaka tarenda revatambi vechidiki vari kusimukira mumutambo uyu. Vanongochema-chema kushaya mari asi hazvimbode mari izvi.

“Chinondishamisa ndechekuti vanhu vane mari asi vanochema kushaya mari, ini handina mabhizimisi ini asi ndine soccer academy yangu yandiri kushanda kuvaka tarenda revatambi vechidiki.

“Kana une shungu nekuita chinhu unochiita kunyangwe usina mari, hapana chinombovatadzisa kuita maAcademy avo,” akadaro Bunjira.

Bunjira mumwe wevatambi vakaumbwa tarenda kuburikidza nemaAcademy apo akatanga kutamba nhabvu aine makore matanhatu ekuberekwa kuzvikwata zvinosanganisira Black Wolves Under 8, Hotspurs Under 12, Chitungwiza Youth Stars Under 14, Black Rhinos Under 14 pamwe neDarren T.

Zola, sezita remadunhurirwa raBunjira paaitamba nhabvu, akazvarwa mugore ra1975 kuNyanga mumhuri yaive nevana vatanhatu iye ari mukomana wechishanu.

Akatamba nhabvu nevamwe vakaita saWellington Shangiwa, Innocent Mutasa, Butler Masango naFrost Dzangare.

Mugore ra1987, Zola akaenda kuBlack Rhinos Under-14 uko kwaakagara kwemakore maviri ndokuzobva achienda kuDarren T akanotamba nevatambi vakaita saLloyd Chitembwe, Norman Mapeza, Gift Muzadzi pamwe naStuwart Murisa.

Vatambi ava vese vakazotambira chikwata chenyika chemaWarriors mumakore akatevera.

Ari muchikwata ichi, mugore ra1987, vakahwina mukombe weUnder 16 Bona-League Championship apo vakakunda Highlanders 2-0 kuBabourfields.

Zola anoti apo aive kuDarren T pamwe nezvimwe zvikwata zvaakatambira achiri mudiki zvakamubatsira kuvaka tarenda rake.

“Zvinonetsa kuti mutambi wenhabvu wongomuka wototanga kutambira muPremier Soccer League hakuna zvakadaro, hazviitike.

“Unototanga watombobikwa zvakasimba nemaAcademy akasiyana kusvika waibva, ipapo zvikwata zvinotomhanyidzana zvichida kukutenga.

“Ini nevamwe vandakatamba navo takatobikwa zvakasimba kusvika tave kutambira Darren T,” akadaro Zola.

Akazotambira chikwata cheDarren T chevakuru asi haana kugara nguva refu sezvo akazobva achienda kuBlackpool uko akatambira nhabvu kwegore rimwe chete.

Achibva kuBlackpool, akatengwa neCAPS United uko kwaakazonyora nhorondo yakasimba.

“Ndichiri kuyeuka mutambo wangu wekutanga ndichitambira Kepe-kepe, ndakange ndichangodzika ndege kubva kuPoland, ndikasvikotamba nhabvu tikahwina mukombe weCharity Shield.

“Ndini zvekare ndakabva ndavhoterwa kuve Man of the Match. Mutambo uyu ndinourangarira zvikuru sezvo takahwina mukombe,” akadaro Bunjira. Zola akatambira Kepe-kepe kwemakore anodarika mashanu uye mumwe wevatambi vaipenya muPSL.

Muna 1997 apo Kepe-kepe yakarakasha Hwange 4-0, ndiye akanwisa zvibodzwa zvacho zvose. Bunjira anoti vatambi vakawanda vemazuvaano havana shungu nemutambo uyu sezvavaiita kare. “Zvinopisa tsitsi kunzwa kuti Top goal scorer akanwisa zvibodzwa 12 chete. Isu makore edu munhu ainwisa 30 kana 40 pamwaka mumwe chete.

“Vatambi variko havasi kushanda nesimba mumutambo uyu, vanofanirwa kutorwa semvumba,” akadaro Bunjira.

Kubva kwaakazoita kuKepe-kepe, Bunjira akambotambira kuPoland kwemwedzi mishanu ndokuzodzoka kuCAPS United.

Paakazobva kechipiri akatengwa neFree State Stars yekuSouth Africa uko akatambira kwemwedzi mitatu ndokuenda kuBivest Wits University kwemakore matanhatu.

Wits University yakazomutengesa kuMamelodi Sundowns uko kwaakambotambira kwekanguva, ndokuzotengeswa kuJomo Cosmos kunova kwaakapedzisira kutamba nhabvu yake. Mukutamba kwaakaita nhabvu yake kuzvikwata zvakasiyana, Bunjira anoti Kepe-kepe ndiyo yakamurera kusvika ave mutambi akanetsa zvikuru.

Kunyangwe hake achiti Kepe-kepe yakamurera, anoti Wits University neSundowns ndizvo zvakamupa hupenyu hwaave kurarama iye zvino.

“Kepe-kepe yaindigonera ini uye yaindichengeta zvikuru. Pavakanditenga ndakakwanisa kutenga motokari apa ndaive nemakore 21 ekuberekwa,” akadaro.

Zola anoti akatarisa Kepe-kepe parizvino nezvayaive kare anonzwa tsitsi sezvo vatambi vayo variko vari kudya nhoko dzezvironda.

“Ndinonzwa tsitsi hangu ndichitarisa vatambi vave kutambira CAPS mazuva ano, vane mwoyo murefu vapfana ava.

Isu kare zvainetsa kana mari yedu ikanonoka kuuya paiita bongozozo, nyangwe ikanonoka kuuya nemazuva maviri chaiwo.

“Asi mazuva ano vanogara mwedzi miviri kana mitatu vasati vatambiriswa, apa vanoramba vachiuya kuzotamba nhabvu, kumba kwake kunenge kuchidiwa kubhadharwa rendi, mhuri inoda kudya, zvakaoma,” akadaro Bunjira.

Bunjira mumwe wevatambi vakakwanisa kumirira maWarriors apo akaenda kumutambo weAFCON mugore ra2004 kuTunisia.

“Kutambira nyika yangu kuAFCON zvinhu zvandisingakanganwe muhupenyu hwangu.

“Ndinogara ndichizvifunga hangu uye ndinotenda mukana uyu wandakapihwa nekuti vazhinji vanozvishuvira asi zvinoramba,” akadaro Bunjira. Parizvino Bunjira ari kugara kuWestgate muHarare kunyangwe hake akaramba kutaura kuti ari kugara nani. Ane soccer academy yake inonzi Albun Soccer Academy yake iyo ari kushanda nevatambi venhabvu vemangwana achibika tarenda ravo. Kunze kwekutungamira soccer academy, Bunjira mushamarari wezvemitambo panhepfenyuro yeZiFM Sterio uye ane kambani yezvekushambadza zvemitambo pamwe nezvirongwa zvakasiyana.

“Nhabvu yakandipa hupenyu hwakanaka hwandave kurarama uhu.

“Handisi munhu anovhaira hake asi ndakakomborerwa, vabereki vangu vari kurarama hupenyu hwakanaka vachidya zvandakarimawo ini,” akadaro Bunjira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey