Uncategorized

Kubatsirwa mushure mekusununguka

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Dixon Chibanda —
MADZIMAI achangobva mukusununguka angabatsirikana sei muutano hwavo, zvikuru panhau dzekushungurudzika uko kunoita ndangaririro dzavo mushure mekuita mwana?

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vanodarika 300 miriyoni vanosangana nedambudziko rekushungurudzika mupfungwa pasi rose, izvo zviri kuita kuti mamwe madzimai apedzisire ava nedambudziko rekuremara mitezo kana kuti vasisagone kubata mamwe mabasa avaisimboita vasati vasununguka.

Kushungurudzika kunoita madzimai mushure mekunge vasununguka (post-natal depression), chirwere chinoramba chakavanzika kuvagari vemunyika dzichiri kusimukira.

Zvisinei nekuti kune shanduko huru munyaya dzekucherechedza chirwere ichi, chiri kukonzera kurasika kwenjere pane dzimwe nguva.

MuZimbabwe, chikamu chinodarika 30% chevanhu chakaonekwa kuti chakatarisana nedambudziko iri.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti kune kushungurudzika kwakanyanya kwemupfungwa kuvanhu vane nhoroondo yekushungurudzika mushure mekusununguka nepanguva iyo munhu anenge akatakura pamuviri. Asi dambudziko guru nderekuti muzvipatara zvizhinji zviri muAfrica hamuna michina inovheneka dambudziko iri.

Pamusoro peizvi, nyaya dzetsika nemagariro dzinoita kuti madzimai anyare kutaura kuti ari kushungurudzika mupfungwa.

Ongororo yakaitwa muZimbabwe yakaburitsa zvimwe zvezvinoita kuti madzimai anyanye kushungurudzika sekufirwa, kushungurudzwa mudzimba neutachiona hweHIV.

Zvakaonekwa zvakare kuti kushungurudzika mupfungwa uku kunogona kukonzerwa nekushaya ruzivo rwekugadzirisa matambudziko, angava madiki chaiwo.

KuSouth Africa, chirwere chekushungurudzika mushure mekusununguka chine chikamu chinodarika 30% zvichifambirana nekushaya chikafu chakakwana, mari, kurwisana nepamuviri pasina kurongeka.

Kuongororwa kushungurudzika kwepfungwa:

Michina yekuvheneka chirwere ichi yakakosha zvikuru kuti paonekwe huwandu hwevanhu vangada rubatsiro. Uye zvinyorwa nemifananidzo, sezvakaitwa kunyika yeUganda, zvakakosha muongororo iyi.

Pamusoro pezvo, ongororo inofambirana nekurapwa kwedambudziko iri. Kushungurudzika mupfungwa mushure mekusununguka kunorapika nemari shomanana, zvikuru nekushandiswa kwemishonga yemaAnti-Drepressants inova inowanikwa muAfrica.

Kunze kwazvo, mishonga iyi inogona kupihwa murwere nevarapi vemumisha vanenge vari kumubatsira.

Kubatsirwa kwemadzimai ane dambudziko iri kunoitwa nenzira nhatu dzinoti, kuvhura pfungwa, kusimudzirwa nekusimbiswa.

 

Dixon Chibanda ndidirector weAfrican Mental Health Research Initiative paUniversity of Zimbabwe.

Share This:

Sponsored Links