Kubheka mabhanzi

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Kubheka mabhanzi

Kwayedza

MABHANZI imbuva yakanaka nguva dzose – kungave kuvana vechikoro kana kuvanhu vakuru – sezvo asingakasike kuipa uye anopa simba.

Svondo rino Amanda Shingirai wekuHwedza anotsanangudza mamwe mabhekerwo emabhanzi.

Zvinodiwa:
2kg yefurawa isina mbiriso, zvipunu (tablespoons) zviviri zvembiriso nemunyu, chidimbu chekapu cheshuga nemakapu mana emvura inodziya.

Mabikiro:

Tora furawa, munyu neshuga woisa mekukanyira. Chisanganisa nemvura inodziya nembiriso wosiya zvakadaro kwenguva inokwana awa kuti zvifute.

Zora mafuta mupani wosanganisa zvakare zvawakanya wochizozvidimura uchiisa mupani.

Chizviisa muhovhoni kwemaminitsi 30 kusvika 45.

Kana zvatsvukira, bura wozora mvura yakasanganiswa neshuga (sugar syrup) kuti zvisaomarare.

Isa padivi kuti zvipore.

Kana zvadai, chigadzirirai tafura mudye nemhuri.

Mabhanzi anodyiwa uchinwa nesvutugadzike, maheu kana zvimwe zvinwiwa sesarudzo yako.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>