‘Kubhinywa kwevana harisi roora’

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Kubhinywa kwevana harisi roora’

Kwayedza

Kumanikidzwa kuroorwa kwevechidiki ratove dambudziko guru

Kumanikidzwa kuroorwa kwevechidiki ratove dambudziko guru

MUAFRICA vanasikana vanosvika 14 miriyoni vanomanikidzwa kupinda muwanano vasati vasvika zera rekuroorwa. Zera rekuroorwa rinosiyana zvichienderana nenyika. MuZimbabwe, mwanasikana anotenderwa kuroorwa ava nemakore gumi nematanhatu. Kunyikawo yeZambia, roora rinotenderwa munhu asvika makore gumi memasere.

Asi takatarisa nyika yeZimbabwe mwanakomana anonzi asvika zera rekuroora ava nemakore gumi nemasere.
Sei mwanasikana achikandwa mumukanwa wegarwe asi mwanakoma achinzi achiri mudiki?

MuZambia angave mwanasikana kana mwanakomana, vose vari pazera rimwe chete naizvozvo pane enzaniso.
Dambudziko iri rekuti pwere mukadzi rikasamiswa tingasvike mugore ra2030 vanasikana vanosvika 210 miriyoni vabhinywa mudunhu reAfrica.
Izvi zvinenge zvoreva kuti kumanikidzwa kuroorwa kwevechidiki ndiro rinenge ratove dambudziko guru muAfrica.

Asi zvinombokonzerwa nei? Muzvare Betty Makoni weGirl Child International Network anoti hakuna chinonzi kuroorwa kwemwana ari pasi pezera. Uku ndikokubhinywa nekubatwa chibharo chaiko.

“Zvinondishamisa kuti mwanasikana ane makore gumi nemashanu anonzi awanikwa. Kupi ikoko, haasati asvika zera rekuzvifungira zvizere uye haasati asvika zera rekuve nesarudzo yekuvhota. Naizvozvo haasi mudzimai asi kuti mwana.

‘‘Unotonzwa vanhu vachiti hanzi kuroorwa kwevana vari pasi pezera vachitotambira mari, hundyire chete.
‘‘Harisi roora iri kubata vana chibharo. Vanonyora sandurai mazwi amunoshandisa hakuna wanano yakadaro,” akapopota achidaro Muzvare Makoni.

“Nguva zhinji tinoona kuti magariro akaoma, kufirwa uye kusaenzaniswa kwemwanasikana nemwanakoma ndizvo zvinopinza mwanasikana mumukanwa weshumba nekuti anenge atsva kumusana oti kusiri kufa ndekupi?”

Zvimwe zvitendero zvinoisa vanasikana parumananzombe chaipo nekuti unoona murume mukuru, baba kana kutoti sekuru kukasikana aka vachiti ivo mweya wati ngavawane pwere iyi.

“Nenhau yekuti hanzi mweya wati, ndaona ndapihwa mwanasikana uyu kuti ave mudzimai wangu wechishanu mwana anotodzvinyirirwa. Mwana haana sarudzo uye unowana vanhu vakuru vachitsigira pfungwa dzekupenga idzodzi,” akadaro Muzvare Makoni.

Zvinangwa zvemaMillenium Development Goals (MDG) izvo zvinofanirwa kuzadziswa mugore ra2015 hazvina kubatika. Takatarira MDG 6 rekupedza utachiona hutsva hweHIV, kutapukira kweTB uye kupararira kwemalaria tichiri kure naizvozvo mamwe makore mashanu ekushanda basa guru iri akawedzerwa.

“Pwere inenge yanzi yava mudzimai haisati nhengo dzayo dzasimba. Naizvozvo tinoona vana vakadai vachitsemuka zvibereko, kuita gomarara remuchibereko uye kuita zvirwere zvepabonde, HIV isingasari pakadai? Mwana anenge atotakwa nemabwe ari mupenyu!” akadaro Muzvare Makoni.

Anoti nyika nenyika inofanira kupa zvisungo zvakasimba zvekupedza nhaurwa iyi zvichienderana nebumbiro remitemo reAfrica Charter iro rinopa kodzero nekugara kwakanaka kwevana.

Muzvare Makoni anoti hurumende dzemuAfrica dzinofanirwa kusangove dzinotaura zvisingabude asi kuti zvataurwa zvisungwe. “Takatarisa 2015 kuenda mberi zvinotaurwa ngazvisungwe. Tisave tinongove vatauri chete,” akadaro.

Tsika yekuripa ngozi nemwanasikana ngaive chinhu chakare. Mukore uno hakufanirwi kuve nengozi inoripwa nemwanasikana. “Makore gumi nemasere ndiro zera rinokodzera kuti mwanasikana ave nesarudzo yekuwanikwa naizvozvo mutemo unofanira kufambirana nehupenyu kwete kunyudza mwanasikana,” akadaro Muzvare Makoni.

Tinoona kuti mwana anopinda mukubatwa chibharo muzita rewanano haana simba rekuramba bonde, kushandisa kuronga mhuri kana kushandisa dziviriro.

Regai dzive shiri mazai haana muto.
wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey