Kubhoirisa nyama yemombe

17 Jul, 2014 - 16:07 0 Views
Kubhoirisa nyama yemombe

Kwayedza

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa:
Chikari, poto
Mugoti
Banga
Nyama yemombe
Hanyanisi, matomatisi
Mafuta, munyu
Muriwo wemashizha munyoro

Mabikiro:
Tora nyama wocheka zvakanaka, cheka hanyanisi, matomatisi muzvidimbu zvidiki.

Gadza chikari kana poto pamoto woisa mvura makomichi matatu uye kana yave kufashaira isa nyama yose imomo.
Chikwidibira zvikwate kweawa nechidimbu uchipindura-pindura kana mvura yave kupera.

Isa mafuta chipunu chimwe chete nehanyanisi wokanga kwemaminitsi mashanu woisa matomatisi woramba uchikanga. Kana yatsvukira, isa mvura shoma yekutsvaga muto wekuseva pakudya nemunyu mushoma.

Munogona kudya nemupunga, sadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana rechibage.

Kudya uku kune hutano nekuti hakuna mafuta akawanda.

Share This:

Sponsored Links