Kubika misoro yehuku

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Kubika misoro yehuku Misoro yehuku yakabikwa.

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU

MISORO yehuku inyama inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi zvisinei nekuti vamwe vanoti havaifarire nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.Svondo rino Shamiso Mapfumo wemuHarare anorondedzera mabikirwo akanaka enyama iyi.Zvinodiwa: Kana uchiita yekutenga, tenga misoro yehuku muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

Geza misoro yehuku nemvura yakachena uchiibvisa rurimi. Bvisa makushe kana kuti mambava anenge asarira uchishandisa mvura inopisa.

Wozodii?

Chimwaya munyu nezvimwe zvinorungiswa se”chicken spice”. Isa mafuta mupoto wosiya apise wozokanda misoro yehuku uchikanga.

Kana ichinge yatsvukira, chikanda hanyanisi wokanga kwemaminitsi matatu. Mushure meizvi, chikanda matomatisi pamwe nekuita kuti muto usare wakatsvukira.

Misoro yehuku usaidherere nekuti unozviruma rurimi nekunakirwa! Inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana mupunga.

Share This:

Sponsored Links