Kubika muriwo wekabheji

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Kubika muriwo wekabheji

Kwayedza

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa pakubika:
Poto, kahari kana pani
Muriwo wekabheji
Hanyanisi, Matomatisi
Mafuta, munyu

Mabikiro nenguva inodiwa:
Cheka kabheji kuita zvidimbu zvakanaka wogadza poto kana kahari pamoto. Isa mafuta zvipunu zviviri uye kana apisa isa muriwo imomo wokanga kwemaministi gumi nemashanu. Chitora hanyanisi nematomatisi, isa imomo woramba uchikanga kwemaminitsi masere.

Isa mvura shoma yekutsvaga muto nemunyu mushoma, raidza kuti zvaringana here wobura.

Munogona kudya nesadza remhunga, rechibage kana rezviyo. Muriwo uyu wakanaka nekuti chirera mhuri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey