Kubika rupiza rwenyemba nenyimo

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa kushandisa:
Poto kana chikari
Mugoti, chipunu

Makapu maviri enyemba

Dovi zvipunu zvitatu

Munyu, mvura

Mabikiro anodiwa:

Tora nyimo nenyemba wokanga kwemaminitsi masere, bura wobvisa makanda panyemba dzese nehuyo kana muduri nemutswi wozopepeta murusero.

Gadza poto kana chikari pamoto woisa mvura makomichi mashanu uye kana yava kufashaira isa nyimo nenyemba imomo.

Rega zviri pamoto kweawa nechidimu uchipamhidzira mvura kana yava kupera kuti zvinyatsoibva zvakanaka.

Kana zvaibva, isa zvipunu zvitatu zvedovi wotora mugoti uchisanganisa uchiisa zvishoma nezvishoma kusvikira zvaita kunge bota     rakasimba zvakanaka.

Raidza kuti zvaringana here wobva wabura. Munogona kudya nesadza rezviyo, chibage kana remhunga.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey