Kubika zvikanganwahama

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Kubika zvikanganwahama

Kwayedza

KANA nyama yezvikanganwahama zvehuku ikabikwa zvakanaka, mutakunanzva chaiwo uye haina mafuta akawanda ayo anokonzera zvirwere zvakaita sezvemwoyo.

Svondo rino Mai Susan Garimoto vekuZengeza 4, kuChitungwiza vanotsanangura mabikirwo ezvikanganwahama zvehuku zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:

Chikari, zvikanganwahama, munyu, mafuta, mhiripiri, matomatisi, makerotsi kana muriwo werepi.

Mabikiro:

Cheka zvikanganwahama uvhure mukati uchibvisa tsvina yose iri mukati.

Zvigeze zvinyatsochena wozviisa muchikari.

Isa chidimbu chekomichi yemvura nemunyu wakaringana.

Zvikwatise kwemaminitsi makumi maviri.

Kana mvura yapera, isa twumafuta twushoma uchikanga.

Chekerera hanyanisi, makerotsi nematomatisi ukande, woramba uchikanga kusvika zvaibva.

Cheka tumuriwo tushoma wokanga twuri parutivi asi twuchisara twakasvibira.

Unogona kuzoisawo mhiripiri kana uchiifarira.

Wozodii?

Kana zvaibva, chigadzirira kuzviruma rurimi nekunakirwa.

Zvikanganwa hama unogona kuzvichachura zvakadaro, kudya nesadza jena kana rezviyo.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links