Uncategorized

Kubvongodza muto kuseva kweakaguta

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tinonokora tsoka dzakati kuti toururutsa kuti tione zvakavanzika. Handaiziva kuti basa rokuve sachigaro weSadc rinotanga namanyama amire nerongo kudaro. Pasina mwedzi, mutungamiri weLesotho, VaThomas Thabane, vanovewo zvakare mutevedzeri wasachigaro wechikwata che”Sadc Organ on Politics, Defence and Security” chinoona nezvorunyararo mudunhu takanzwa vave kunzi vatizira kuSouth Africa kupera kwesvondo nokuti hurumende yavo yakange yabviswa pachigaro nechisimba.

Nemichina yokufambisa mashoko yaveko mazuvano, mashoko akamhanya kuti mauto akange abvuta masimba, uyewo kuti mutevedzeri wavo ndiye akange ave panyanga. Vanhu vachiri kuzeya izvi mutevedzeri uya akabva ateverawo kuSouth Africa. Asi mamwe mashoko aiti hapana zvakadaro zvokuti muLesotho maitwa “coup”, asi kuti masoja aiedza kumisa mapurisa aida kupa zvombo kune vanhu verimwe bato. Vanhu vanobvunza kuti iyo Lesotho nyaya dzokukudubura hurumende sezvakambokurumbira kunyika dzokumadokero kweAfrica yakazviwana kupi?

Nokuti hakasi kokutanga.

Chitupa chasachigaro weSadc, President Mugabe chakabva chabaiwa ipapo, nokuti Sadc yakamhanya-mhanya kuona kuti runyararo nokugatsikana zvadzokera muLesotho, uyewo kuti VaThabane vadzokera pachigaro.

President Mugabe vakatuma vamiriri vavo kuenda kumusangano wakaitirwa kuSouth Africa, inove inotungamirira Sadc Organ on Politics, Defence and Security. Ndiko kupera kwazvo here muLesotho sezvo VaThabane vasati vadzokera kumusha uyewo dunhu rakatarisana nesarudzo munyika nhatu mumwedzi mishoma iri kutevera?

Dunhu reSadc range rapa muenzaniso worunyararo nokugadzikana. Nazvino uchiripo. Nokudaro sezvinotaurwa navakuru, mapenzi ngaarege kusekererwa parufu, nokuti anokutorerai chitunha akatiza nacho. Vamwe vanotiwo, musajaidza makudo neanokamhinha! Todzoka mumadziro, muno makare muZimbabwe. Zvauya seiko mumapato ezvamatongerwo enyika? Ma”congress” a2014 apindwa nezvipfukuto pamusana pei, zvipfukuto zvinopedza dura kuti tsvai? Vanhu vakavhota vari kuti mungarwira zvigaro, asi zivaiwo kuti muna2018, zvakawanda-wanda zvamakavavimbisa havasati vazviwana, uyewo kuti ndivo zvakare vachaenda kunovhota.

Vamwe vari kuti kuda hutungamiri kuri kubvongodza muto, kuseva kweakaguta. Kukambira zvese, asi vanhu vari ivo vanoti hongu kana kwete. Pasina vanhu hapana chigaro uyewo hapana hutungamiri. Kukanganwa kugadzirira mwaka uri kutevera vanhu vakateya mariva embeva dzinoda kuzobatwa muna2018! Kana neniwo zvandishamisa izvi. President Mugabe pavakashanya kuChina takataura kuti vakasangana navamiriri venyika dzomuAfrica.

Mumiriri wenyika yeLiberia akakumbira President kuti vaonesane nesangano reAfrican Union panyaya yechirwere cheEbola chave kuita shuramatongo zvakare seHIV neAIDS kunyika dzinosanganisira iyo Liberia, Sierra Leone, Guinea, Nigeria neSenegal.

MuZanu-PF mune mvonga-mvonga yezvigaro neyokuti uri wokwaani, pane vari kutadza kuona kuti mutungamiri wenyika kusanganisira nyika yacho ine chokuita nematambudziko ave kusanganikwa nawo serechirwere chisingarapike, cheEbola icho chauraya vanhu vanodarika 1 600 mumwedzi mitanhatu yapfuura. Svondo rinouya ndicho chatichaongorora.

Vari kuti pangu, pangu muZanu-PF havana chiono chokuti kana Zimbabwe ikaita umhare hwokuti Africa ikunde matambudziko airi kusangana nawo, kana ivo vanoda kutungamira mune ramangwana vanotungamira nechivimbo chokuti pane gwara rakachena rakafambwa naro.

Hazvisi nyore kuti nyika iri pasi pezvirango zvoupfumi, iri kuedza kuvandudza upfumi noupenyu hwezvizvarwa zvayo ipihwe mutoro wokutungamira dunhu reSadc nokutungamirawo zvakare African Union nguva imwe chete.

Kugona kwaPresident Mugabe kugona kweZimbabwe yese. Uye vakakundikana neZimbabwe yose inonzi yatadza.

Zvimwe zvinhu hazvidi kufungisisa nokuti zviri pachena. Ndosaka vanotaura chiRungu vachiti, “How common is common sense?” Dai pakaendwa kunorwa hondo yorusununguko pakamuka hundingoveni hwakadai, dai Zimbabwe ichingori muhutapwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey