Kuchecheudzwa kwakakosha

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Kuchecheudzwa kwakakosha

Kwayedza

Kuna Chiremba —
Ndiri mukomana wechidiki ane makore 25. Ndakanzwa nyaya yekuchecheudzwa ichishorwa saka ndiri kunetseka kuti zvine pundutso here kuti ndinge ndichichecheudzwa. Ndiri kuronga kuti ndizoroora muna 2018 saka ndaida kuti ndichecheudzwe senzira yekuchengetedza utano hwemudzimai wangu nehwangu. Zvakakosha here kuti ndienderere mberi nekuchecheudzwa?

Ndapota nditaurireiwo chokwadi.

Ndanetseka.

Kuna ari kunetseka.

Ndiri kukuzivisa kuti danho rauri kuda kutora rakakosha zvikuru rinobatsira mukuchengetedza utano hwako nehwemudikani wako uye mhuri yako yemangwana.

Kune umboo huzere hwesainzi hunoratidza kuti kuchecheudzwa kunoderedza mikana yekutapurirwa utachiona hweHIV nechikamu chingaite 60 percent.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti kuchecheudzwa kunoitwa nemachiremba akafundira basa iri muzvipatara nemakirinika.

Ndapota zivai kuti kuchecheudzwa kunobatsiridza mukudzivirirwa kutapurirwa kweutachiona hweHIV asi hakudziviriri zvakazara nokudaro bonde rinofanira kuitwa vanhu vachishandisa dziviriro yekondomu.

Zvakakosha kuti vanhu vange vachivhenekwa utachiona hweHIV nekuwaniswa mazano kuti vadzivirire zvirwere zvepabonde.

Kuchecheudzwa haisi pasipoti yekuti munhu hauchatapurirwe HIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.

Kubvira pakatanga chirongwa chekuchecheudzwa, varume vanodarika 10 miriyoni munyika 14 dzemuAfrica dzakapinda muchirongwa ichi vakachecheudzwa.

Vamwe vanhu vanofunga kuti kuchecheudzwa kwakashata nekuti vachine kakutya maringe nezvigozhero zvinogona kusanganikwa nazvo mukuchecheudzwa zvakadai sekurasikirwa neropa asi zvinoitika kuvanhu vasingasvike chikamu che1 percent muZimbabwe.

Varapi vakafundira basa iri ndivo vanochecheudza vanhurume uye zvinoderedza mikana yekutapurirwa utachiona hweHIV kana zvirwere zvepabonde nechikamu che60 percent.

Asi kana munhu akashandisa makondomu pabonde anowedzera chikamu chechengetedzo nechikamu che99 percent.

Pane zvakanakira kuchecheudza zvakadai seizvi: kunosimudzira utano, hakukanganisi mashandiro ebonde uye kune utsanana nokudaro hakuna mabhakitiriya anobereka ari munhengo yemunhurume. Kuchecheudzwa kunoderedza mikana yezvirwere zvegomarara remuromo wechibereko kumadzimai zvakare. Nekudaro ndinokukurudzira kuti uende kunochecheudzwa nekuchimbidza. Asi usazoita bonde risina kudzivirirwa sezvandareva pamusoro

Ndini Chiremba

Share This:

Sponsored Links